Zvirevo 23:1-12
Zvirevo 23:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako, uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo. Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera. Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo. Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka; nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi. Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda. Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako. Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera, nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe. Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.
Zvirevo 23:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana ukagara pakudya pamwechete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako; Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo Usapanga zvinozipa zvake, Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera. Usazvinetsa kuwana pfuma; Rega huchenjeri hwako. Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga. Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake. Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, “Chidya, chinwa;” Asi mwoyo wake haune hanya newe. Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka. Usataura paunonzwika nebenzi; Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako. Usabvisa muganho wekare; Uye usapinda paminda yenherera; Nokuti Mudzikinuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe. Mwoyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.
Zvirevo 23:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana wagara pakudya nomutongi ziva kuti ndiani ari pamberi pako uzvibate kana uri munhu anokara kudya. Usaite makaro namachikichori ake nokuti ndookuti akuone zvauri. Usazviuraye nebasa kuti uwane upfumi iva noungwaru wombozororawo nokuti unongohuti onei ndizvozvo ihwo waru waru hutu hwaenda huchibhururuka kudenga segondo. Usadye chokudya chomunhu anonyima, usadokwairire machikichori ake nokuti iye mumwoyo rinenge riri bishi kufunga uku achiti idya idya zvako asi iye asingambozvirevi nomwoyo wose. Ucharutsa misuva yaunenge wadya kumukudza kwako kunobva kwashaya maturo. Usapedze nguva uchitaura nebenzi nokuti richashora basa rezvaunotaura. Usabvise chitata chomuganhu chakare kana kupinda muminda yenherera nokuti mununuri wavo ane simba achavarwira achikurwisa. Isa mwoyo wako mukudzidza urerekere nzeve yako kumazwi oungwaru.
Zvirevo 23:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ukagara pakudya pamŋe cete nomuɓati, Cerekedza ɀakanaka ɀiri pamberi pako; Uɀigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo. Usapaŋga ɀinozipa ɀake, Nokuti ɀokudya iɀo ɀinonyeŋgedzera. Usaɀinetsa kuwana fuma; Rega ʋucenjeri bgako. Unoɗa kuɀitarira nameso ako? Ɀaenda! Nokuti ɀirokwaɀo fuma inoɀiitira mapapiro, Segondo rinobururukira kuɗeŋga. Usadya ɀokudya ɀomunhu unoruciʋa; Kana kupaŋga ɀinozipa ɀake. Nokuti seɀaanofuŋga mumŋoyo make, ndoɀaakaita; Unoti kwauri: Cidya, cinwa; Asi mŋoyo wake haunehanya newe. Musuʋa wawadya, ucaurutsa ɀe, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka. Usataura paunonzwika neɓenzi; Nokuti ricaɀidza ʋucenjeri bgamashoko ako. Usabvisa muganho wekare; Ʋuye usapinda paminda yenherera; Nokuti Mudzikinuri waʋo unesimba; Iye ucaʋarwira pamhaka dzaʋo newe. Mŋoyo wako ushiŋgaire kudzidziswa, Nenzeʋe dzako kunzwa mashoko eziʋo.
Zvirevo 23:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)