Zvirevo 19:1-14
Zvirevo 19:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka. Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira. Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha. Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo. Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi. Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara. Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda! Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa. Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha. Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.
Zvirevo 19:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura ane miromo isakarurama, iri benzi. Uye, kushingaira kusine zivo hakuna kunaka; Anokurumidza namakumbo ake anorasha nzira. Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake; Mwoyo wake unotsamwira Jehovha. Pfuma inouyisa shamwari zhinji; Asi murombo anosiyiwa neshamwari yake. Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema haangapukunyuki. Vazhinji vachatsvaka nyasha yomunhu anopavhurira; Munhu mumwe nomumwe ishamwari yoanopa zvipo. Hama dzose dzomurombo dzinomuvenga; Zvikuru shamwari dzake dzinoparadzana naye! Anovatevera namashoko, asi vaenda! Anowana huchenjeri, anoda hupenyu hwake; Anochengeta njere, achawana zvakanaka. Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema achaparadzwa. Kugara pakati pezvakanaka hazvifaniri benzi; Ndoda sei kuti muranda ave ishe wamachinda. Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa. Mwanakomana benzi inhamo yababa vake; Uye kukakavara kwomukadzi kudonha kusingaperi kwemvura. Dzimba nepfuma inhaka inobva kuna madzibaba; Asi mukadzi akangwara anobva kuna Jehovha.
Zvirevo 19:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zviri nani kuva murombo anogara upenyu hwakarurama pano huyakose yomunhu benzi. Hazvina kunaka kuti munhu ashaye ruzivo. Anokurumidza kumedza kutsenga achakuda, anorasika. Kana upenzi hwomunhu hwamusvitsa pakuparadzwa, mwoyo wake unovirukira Tenzi nehasha. Upfumi hunokuwanira shamwari itsva asi murombo anofuratirwa neshamwari yake. Chapupu chenhema hachirege kurangwa anonyepa haapunyuki. Vanhu vazhinji vanoda kufadza mukuru-mukuru munhu wose anoda kushamwaridzana nomunhu anopa. Murombo anovengwa nehama dzake dzose, ko kutozoti shamwari, dzinomirira kure zvakadii? Angasarudze zvake mazwi ake asi hapana waanosara anaye. Munhu anozviwanira ungwaru munhu anozvida. Munhu anochengetedza kunzwisisa anobudirira. Chapupu chenhema hachirege kurangwa munhu anonyepa achaparara. Hazvikodzeri kuti benzi rigare pamutambaratede, zvakatonyanya kusakodzera kuti muranda atonge vakuru vakuru. Munhu anonzwisisa haakurumidzi kushatirwa kuregerera kunoita kuti aremekedzwe. Hasha dzamambo dzakafanana nokudzvova kweshumba asi ushamwari naye hwakaita sedova pauswa. Benzi romwana imharadzi kuna baba vake. Mudzimai ano pamuromo mumba imba inoramba ichidonha. Imba noupfumi inhaka inobva kumadzibaba asi mukadzi mungwaru anobva kuna Tenzi.
Zvirevo 19:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Murombo, unofamba muɀokwaɗi yake, Unopfuʋura unemiromo isakarurama, riri ɓenzi. Ʋuye, kushiŋgaira kusineziʋo hakuna‐kunaka; Unokurumidza namakumbo ake unorasha nzira. Ʋupenzi bgomunhu ʋunokaŋganisa nzira yake; Mŋoyo wake unotsamŋira Jehova. Fuma inoʋuyisa shamŋari zhinji; Asi murombo unosiyiwa neshamŋari yake. Capupu cenhema haciŋgakoni kurobga; Unoreʋa nhema haaŋgapukunyuki. Ʋazhinji ʋacatȿaka nyasha yomunhu unopavurira; Munhu mumŋe nomumŋe ishamŋari younopa ɀipo. Hama dzose dzomurombo dzinomuʋeŋga; Ɀikuru shamŋari dzake dzinoparadzana naye! Unoʋateʋerera namashoko, asi ʋaenda! Unowana ʋucenjeri, unoɗa ʋupenyu bgake; Unoceŋgeta njere, ucawana ɀakanaka. Capupu cenhema haciŋgakoni kurobga; Unoreʋa nhema ucaparadzwa. Kugara pakati peɀakanaka haɀifaniri ɓenzi; Ndoɗa sei kuti muranda aʋe ishe wamacinda. Kuŋgwara kwomunhu kunodzora kutsamŋa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukaŋganwira kuɗarika kwomumŋe. Kutsamŋa kwamambo kwakafanana nokuʋomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita seɗoʋa riri paʋuswa. Mŋanakomana ɓenzi inhamo yaɓaɓa ʋake; Ʋuye kukakaʋara kwomukadzi kuɗonha kusiŋgaperi kwemvura. Dzimba nefuma inhaka inobva kunamadziɓaɓa; Asi mukadzi wakaŋgwara unobva kunaJehova.
Zvirevo 19:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)