Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 19:1-14

Tsumo 19:1-14 SCLBD

Zviri nani kuva murombo anogara upenyu hwakarurama pano huyakose yomunhu benzi. Hazvina kunaka kuti munhu ashaye ruzivo. Anokurumidza kumedza kutsenga achakuda, anorasika. Kana upenzi hwomunhu hwamusvitsa pakuparadzwa, mwoyo wake unovirukira Tenzi nehasha. Upfumi hunokuwanira shamwari itsva asi murombo anofuratirwa neshamwari yake. Chapupu chenhema hachirege kurangwa anonyepa haapunyuki. Vanhu vazhinji vanoda kufadza mukuru-mukuru munhu wose anoda kushamwaridzana nomunhu anopa. Murombo anovengwa nehama dzake dzose, ko kutozoti shamwari, dzinomirira kure zvakadii? Angasarudze zvake mazwi ake asi hapana waanosara anaye. Munhu anozviwanira ungwaru munhu anozvida. Munhu anochengetedza kunzwisisa anobudirira. Chapupu chenhema hachirege kurangwa munhu anonyepa achaparara. Hazvikodzeri kuti benzi rigare pamutambaratede, zvakatonyanya kusakodzera kuti muranda atonge vakuru vakuru. Munhu anonzwisisa haakurumidzi kushatirwa kuregerera kunoita kuti aremekedzwe. Hasha dzamambo dzakafanana nokudzvova kweshumba asi ushamwari naye hwakaita sedova pauswa. Benzi romwana imharadzi kuna baba vake. Mudzimai ano pamuromo mumba imba inoramba ichidonha. Imba noupfumi inhaka inobva kumadzibaba asi mukadzi mungwaru anobva kuna Tenzi.

Verenga chikamu Tsumo 19