Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 19:1-14

Ɀireʋo 19:1-14 SUB1949

Murombo, unofamba muɀokwaɗi yake, Unopfuʋura unemiromo isakarurama, riri ɓenzi. Ʋuye, kushiŋgaira kusineziʋo hakuna‐kunaka; Unokurumidza namakumbo ake unorasha nzira. Ʋupenzi bgomunhu ʋunokaŋganisa nzira yake; Mŋoyo wake unotsamŋira Jehova. Fuma inoʋuyisa shamŋari zhinji; Asi murombo unosiyiwa neshamŋari yake. Capupu cenhema haciŋgakoni kurobga; Unoreʋa nhema haaŋgapukunyuki. Ʋazhinji ʋacatȿaka nyasha yomunhu unopavurira; Munhu mumŋe nomumŋe ishamŋari younopa ɀipo. Hama dzose dzomurombo dzinomuʋeŋga; Ɀikuru shamŋari dzake dzinoparadzana naye! Unoʋateʋerera namashoko, asi ʋaenda! Unowana ʋucenjeri, unoɗa ʋupenyu bgake; Unoceŋgeta njere, ucawana ɀakanaka. Capupu cenhema haciŋgakoni kurobga; Unoreʋa nhema ucaparadzwa. Kugara pakati peɀakanaka haɀifaniri ɓenzi; Ndoɗa sei kuti muranda aʋe ishe wamacinda. Kuŋgwara kwomunhu kunodzora kutsamŋa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukaŋganwira kuɗarika kwomumŋe. Kutsamŋa kwamambo kwakafanana nokuʋomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita seɗoʋa riri paʋuswa. Mŋanakomana ɓenzi inhamo yaɓaɓa ʋake; Ʋuye kukakaʋara kwomukadzi kuɗonha kusiŋgaperi kwemvura. Dzimba nefuma inhaka inobva kunamadziɓaɓa; Asi mukadzi wakaŋgwara unobva kunaJehova.