Zvirevo 17:15-28
Zvirevo 17:15-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose. Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri? Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa kupikisana. Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso. Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa. Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko. Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro. Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa. Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira. Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika. Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka. Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo. Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama. Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
Zvirevo 17:15-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anopembedza akaipa, noanopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha. Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere. Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika. Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso. Anoda kukakavara, anoda kudarika; Anokurisa suo rake, anotsvaka kuparadzwa. Ano mwoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi. Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro. Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa. Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira. Uchenjeri huri pamberi poane njere; Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika. Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava. Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo. Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere. Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.
Zvirevo 17:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anopembedza munhu akaipa nomunhu anopa mhosva munhu asina mhosva vose vari vaviri vanosemesa pana Tenzi. Zvinobatsirei benzi kuva nemari mumaoko yokutenga nayo ungwaru iro musoro risina. Shamwari ishamwari nguva dzose asi womumba ndowokutakura naye nhamo. Munhu asina pfungwa anongotsidza achiva munhu wokumiririra chikwereti chomumwe. Munhu anoda kukanganisa anoda mhirizhonga. Munhu anoda kuzvikwiridzira pamusoro anozvitsvakira kuparadzwa. Munhu woujarijari haabudiriri uye munhu anotaura zvakatsveyama anowira mumatambudziko. Munhu anobereka dununu romwana ane nhamo. Baba vebenzi havana mufaro. Kuva nomwoyo wakafaranuka mushonga wakanaka kusuruvara mwoyo kunoonza munhu. Munhu wakaipa anotora pfumbamuromo pachipfuva chake kuti akanganise ruenzaniso. Munhu anonzwisisa ungwaru anogara akatarisana naho asi maziso ebenzi anogara ari kokoko kwakaperera nyika. Benzi romwana rinorwadzisa mwoyo wababa uye rinoshungurudza amai vakaribereka. Kuripisa munhu asina mhaka hazvina kunaka. Kurova vakuru vakuru neshamhu hakuna kunaka. Munhu anozvidzora pakutaura anoruzivo munhu akanyarara munhu anonzwisisa. Kunyange benzi rinonyarara rinoonekwa somungwaru. Kana akaramba akati zvake muromo bo vanhu vanofunga kuti anonzwisisa.
Zvirevo 17:15-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unopembedza wakaipa, nounopa wakarurama mhoȿa, Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanonyaŋgadza Jehova. Mari iri muruʋoko rweɓenzi neiko kuti riteŋge ʋucenjeri, Ɀarisinenjere. Shamŋari inoɗa ŋguʋa dzose; Hama inoɓerekerwa kuti iɓatsire pakutambudzika. Munhu unoshaiwa njere, ndiye unoɀisuŋga noruʋoko rwake, Aciɀiitira wokwake ruɓatso. Unoɗa kukakaʋara, unoɗa kuɗarika; Unokurisa suʋo rake, unotȿaka kuparadzwa. Unomŋoyo usakarurama haawani ɀakanaka; Unorurimi rusakarurama unowira munjodzi. Unoɓereka ɓenzi ucazonzwa shuŋgu; Ƃaɓa ʋeɓenzi haʋanamufaro. Mŋoyo wakafara unoɓatsira munhu kupora; Asi mŋeya wakaputsika unowomesa mafupa. Munhu wakaipa unogamucira fufuro inobva mucifuʋa, Kuti aminamise nzira dzokururamisira. Ʋucenjeri ʋuri pamberi pounenjere; Asi meso eɓenzi ari pamigumo yenyika. Mŋanakomana ɓenzi unocemedza ɓaɓa ʋake, Unoitira mai ʋakamuɓereka ɀinoʋaʋa. Ʋuye, kuraŋga wakarurama hakuzakanaka, Nokuroʋa ʋakuru nokuɗa kwokururama kwaʋo. Unoɀidzora pamashoko ake, uneziʋo; Ʋuye unomŋeya wakagadzikana, munhu wenjere. Kunyaŋge neɓenzi, kana rinyerere, riŋganzi rakacenjera; Unoɓumira muromo wake, ucanzi wakaŋgwara.
Zvirevo 17:15-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)