Ɀireʋo 17
17
1Cimeɗurwa cakawoma ceciŋgwa norugare,
Cinopfuʋura imba izere neɀakaɓayiwa nokukakaʋara.
2Muranda, unoita noʋucenjeri, uŋgaraira mŋanakomana unonyadzisa,
Acidya nhaka pamŋe cete naʋana.
3Hari yokunyausa ndeyesirveri, neʋira nderendarama;
Asi Jehova unoidza mŋoyo yaʋanhu.
4Munhu, unoita ɀakaipa, unoterera miromo yakaipa;
Mureʋi wenhema unorerekera nzeʋe yake kururimi rwakashata.
5Aninani unoseka murombo, unoɀidza Muiti wake;
Unofara pamsoro penjodzi yaʋamŋe, haaŋgakoni kurobga.
6Ʋazukuru ikorona yaʋatana;
Kukudzwa kwaʋana ndiʋo madziɓaɓa aʋo.
7Kutaura kwamanyawi hakufaniri ɓenzi;
Ɀikuru kutaura kunenhema hakufaniri mucinda.
8Fufuro yakaita sebge rinokosha kana icitarirwa nomŋene wayo;
Pose painoriŋgira inofadza.
9Munhu unofukidza kuɗarika kwomumŋe, unotȿaka ruɗo;
Asi unoramba acimutsa shoko, unoparadzanisa shamŋari dzinoɗana.
10Munhu unenjere unoɓayiwa nokutukwa
Kupfuʋura ɓenzi nokurobga runezana.
11Munhu unomŋoyo wokumukira unoŋgotȿaka ɀakaipa;
Asi ucatumirwa nhume inomŋoyo mukukutu.
12Ɀirinani kuti munhu asoŋgane necikara catorerwa ʋana,
Pakuti asoŋgane neɓenzi paʋupenzi bgaro.
13Aninani unoripidzira ɀakanaka neɀakaipa,
Ɀakaipa haɀiŋgabvi paimba yake.
14Kuʋamba kwokukakaʋara kwakafanana nokudziʋurira mvura;
Saka rega rukaʋe, kurwa kusati kwaȿika.
15Unopembedza wakaipa, nounopa wakarurama mhoȿa,
Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanonyaŋgadza Jehova.
16Mari iri muruʋoko rweɓenzi neiko kuti riteŋge ʋucenjeri,
Ɀarisinenjere.
17Shamŋari inoɗa ŋguʋa dzose;
Hama inoɓerekerwa kuti iɓatsire pakutambudzika.
18Munhu unoshaiwa njere, ndiye unoɀisuŋga noruʋoko rwake,
Aciɀiitira wokwake ruɓatso.
19Unoɗa kukakaʋara, unoɗa kuɗarika;
Unokurisa suʋo rake, unotȿaka kuparadzwa.
20Unomŋoyo usakarurama haawani ɀakanaka;
Unorurimi rusakarurama unowira munjodzi.
21Unoɓereka ɓenzi ucazonzwa shuŋgu;
Ƃaɓa ʋeɓenzi haʋanamufaro.
22Mŋoyo wakafara unoɓatsira munhu kupora;
Asi mŋeya wakaputsika unowomesa mafupa.
23Munhu wakaipa unogamucira fufuro inobva mucifuʋa,
Kuti aminamise nzira dzokururamisira.
24Ʋucenjeri ʋuri pamberi pounenjere;
Asi meso eɓenzi ari pamigumo yenyika.
25Mŋanakomana ɓenzi unocemedza ɓaɓa ʋake,
Unoitira mai ʋakamuɓereka ɀinoʋaʋa.
26Ʋuye, kuraŋga wakarurama hakuzakanaka,
Nokuroʋa ʋakuru nokuɗa kwokururama kwaʋo.
27Unoɀidzora pamashoko ake, uneziʋo;
Ʋuye unomŋeya wakagadzikana, munhu wenjere.
28Kunyaŋge neɓenzi, kana rinyerere, riŋganzi rakacenjera;
Unoɓumira muromo wake, ucanzi wakaŋgwara.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018