Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 17:15-28

Ɀireʋo 17:15-28 SUB1949

Unopembedza wakaipa, nounopa wakarurama mhoȿa, Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanonyaŋgadza Jehova. Mari iri muruʋoko rweɓenzi neiko kuti riteŋge ʋucenjeri, Ɀarisinenjere. Shamŋari inoɗa ŋguʋa dzose; Hama inoɓerekerwa kuti iɓatsire pakutambudzika. Munhu unoshaiwa njere, ndiye unoɀisuŋga noruʋoko rwake, Aciɀiitira wokwake ruɓatso. Unoɗa kukakaʋara, unoɗa kuɗarika; Unokurisa suʋo rake, unotȿaka kuparadzwa. Unomŋoyo usakarurama haawani ɀakanaka; Unorurimi rusakarurama unowira munjodzi. Unoɓereka ɓenzi ucazonzwa shuŋgu; Ƃaɓa ʋeɓenzi haʋanamufaro. Mŋoyo wakafara unoɓatsira munhu kupora; Asi mŋeya wakaputsika unowomesa mafupa. Munhu wakaipa unogamucira fufuro inobva mucifuʋa, Kuti aminamise nzira dzokururamisira. Ʋucenjeri ʋuri pamberi pounenjere; Asi meso eɓenzi ari pamigumo yenyika. Mŋanakomana ɓenzi unocemedza ɓaɓa ʋake, Unoitira mai ʋakamuɓereka ɀinoʋaʋa. Ʋuye, kuraŋga wakarurama hakuzakanaka, Nokuroʋa ʋakuru nokuɗa kwokururama kwaʋo. Unoɀidzora pamashoko ake, uneziʋo; Ʋuye unomŋeya wakagadzikana, munhu wenjere. Kunyaŋge neɓenzi, kana rinyerere, riŋganzi rakacenjera; Unoɓumira muromo wake, ucanzi wakaŋgwara.