Zvirevo 15:1-17
Zvirevo 15:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha. Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi. Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka. Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya. Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara. Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro. Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza. Jehovha anovenga nzira yeakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama. Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa. Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu! Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera. Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya. Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi. Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose. Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko. Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.

Zvirevo 15:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha. Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi. Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka. Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya. Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere. Mumba mowakarurama mune pfuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi mwoyo wamapenzi haudaro. Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza. Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama. Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa. Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda mwoyo yavana vavanhu. Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera. Mwoyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomwoyo une shungu. Mwoyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi. Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomwoyo wakafara anomutambo nguva dzose. Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nepfuma yakawanda, achinyunyuta. Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo.
Zvirevo 15:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mhinduro nyoro inopodza hasha, asi izwi rakaomarara rinovirutsa hasha. Rurimi rwavangwaru runoparadzira ruzivo, asi muromo wamapenzi unowodzvora urema. Ziso raTenzi riri pose pose, rakatarisa vakanaka navakaipa. Rurimi rwakareruka muti woupenyu asi rurimi rwakaipa runoodza mwoyo. Benzi rinoshora chidzidziso chababa varo asi anoteerera zano raanorairwa akangwara. Mumusha momururami mune upfumi hwakawanda, asi upfumi hwomuipi hunopinda pfumvu. Muromo wavangwaru unoparadzira ruzivo asi pfungwa dzemapenzi hadzidaro. Chibayiro chavaipi chinosemesa Tenzi, asi munamato wavarurami unomufadza. Tenzi anovenga nzira yomuipi. Asi anoda munhu anotevedza ururami. Kumunhu anotsauka panzira kudzidziswa kwakamuipira, munhu asingadi kutsiurwa anofa. Nzvimbo yavafi nenzvimbo yokuparadzwa dziri pachena-chena kuna Tenzi ko kutozoti mwoyo yavanhu. Anodada haadi kutsiurwa, haaendi kuvangwaru. Kana mwoyo womunhu wakafara unoita kuti munhu ave nechiso chakafara mwoyo ukasuruvara mweya unobva wati mbombombo pasi. Munhu ane pfungwa dzinonzwisisa anotsvaka ruzivo asi muromo wamapenzi upenzi ndihwo chokudya chawo. Kumurombo mazuva ose akaipa, asi kumwoyo wakafara zuva roga roga mabiko makuru. Zviri nani kuva munhu ane zvishoma uchitya Tenzi pano kuva noupfumi huzhinji uine nhamo. Zviri nani kudya nomurio pane rudo pane kudya nenyama yechimhuru chakakora pano ruvengo.
Zvirevo 15:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mhinduro nyoro inodzora kutsamŋa; Asi shoko rinorwadza mŋoyo rinomutsa hasha. Rurimi rwowakacenjera runoɓuɗisa ziʋo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unoɗurura ʋupenzi. Meso aJehova ari pose‐pose; Acicerekedza ʋakaipa naʋakanaka. Rurimi runyoro muti woʋupenyu; Asi runenhema runoputsa mŋeya. Ƃenzi rinoramba kurairira kwaɓaɓa ʋaro; Asi unehanya nokurairwa, ndiye unenjere. Mumba mowakarurama munefuma zhinji; Asi kutambudzika kuri muneɀinowanikwa nowakaipa. Miromo yaʋakacenjera inokusha ziʋo; Asi mŋoyo wamapenzi hauɗaro. Ciɓayiro caʋakaipa cinonyaŋgadza Jehova; Asi munyeŋgetero wowakarurama unomufadza. Nzira yowakaipa inonyaŋgadza Jehova; Asi unoɗa munhu unoteʋera kururama. Kuraŋgwa kwakaipa kunoʋiŋga munhu unosiya nzira; Unoʋeŋga kurairwa ucafa. Sheori noKuparadza ɀiri pamberi paJehova; Ndoɗa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu. Muɗaɗi haaɗi kurairwa; Unoramba kuenda kunowakacenjera. Mŋoyo, wakafara, unofadza ciso; Asi mŋeya unoputswa nomŋoyo uneshuŋgu. Mŋoyo wounenjere unotȿaka ziʋo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noʋupenzi. Mazuʋa ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi unomŋoyo wakafara unomutambo ŋguʋa dzose. Ɀirinani kuti munhu aʋe neɀishoma, acitya Jehova, Pakuti aʋe nefuma yakawanda, acinyunyuta. Ɀirinani kuti munhu aʋe neɀokudya ɀemiriʋo, ruɗo ruri’po, Pakuti aʋe nenzombe yakakodzwa, panembeŋgo.
Zvirevo 15:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)