Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 15:1-17

Ɀireʋo 15:1-17 SUB1949

Mhinduro nyoro inodzora kutsamŋa; Asi shoko rinorwadza mŋoyo rinomutsa hasha. Rurimi rwowakacenjera runoɓuɗisa ziʋo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unoɗurura ʋupenzi. Meso aJehova ari pose‐pose; Acicerekedza ʋakaipa naʋakanaka. Rurimi runyoro muti woʋupenyu; Asi runenhema runoputsa mŋeya. Ƃenzi rinoramba kurairira kwaɓaɓa ʋaro; Asi unehanya nokurairwa, ndiye unenjere. Mumba mowakarurama munefuma zhinji; Asi kutambudzika kuri muneɀinowanikwa nowakaipa. Miromo yaʋakacenjera inokusha ziʋo; Asi mŋoyo wamapenzi hauɗaro. Ciɓayiro caʋakaipa cinonyaŋgadza Jehova; Asi munyeŋgetero wowakarurama unomufadza. Nzira yowakaipa inonyaŋgadza Jehova; Asi unoɗa munhu unoteʋera kururama. Kuraŋgwa kwakaipa kunoʋiŋga munhu unosiya nzira; Unoʋeŋga kurairwa ucafa. Sheori noKuparadza ɀiri pamberi paJehova; Ndoɗa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu. Muɗaɗi haaɗi kurairwa; Unoramba kuenda kunowakacenjera. Mŋoyo, wakafara, unofadza ciso; Asi mŋeya unoputswa nomŋoyo uneshuŋgu. Mŋoyo wounenjere unotȿaka ziʋo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noʋupenzi. Mazuʋa ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi unomŋoyo wakafara unomutambo ŋguʋa dzose. Ɀirinani kuti munhu aʋe neɀishoma, acitya Jehova, Pakuti aʋe nefuma yakawanda, acinyunyuta. Ɀirinani kuti munhu aʋe neɀokudya ɀemiriʋo, ruɗo ruri’po, Pakuti aʋe nenzombe yakakodzwa, panembeŋgo.