Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha. Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi. Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka. Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya. Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara. Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro. Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza. Jehovha anovenga nzira yeakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama. Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa. Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu! Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera. Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya. Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi. Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose. Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko. Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.
Verenga chikamu Zvirevo 15
Terera ku Zvirevo 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 15:1-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo