Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha. Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi. Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka. Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya. Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere. Mumba mowakarurama mune pfuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi mwoyo wamapenzi haudaro. Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza. Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama. Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa. Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda mwoyo yavana vavanhu. Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera. Mwoyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomwoyo une shungu. Mwoyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi. Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomwoyo wakafara anomutambo nguva dzose. Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nepfuma yakawanda, achinyunyuta. Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo.
Verenga chikamu Zvirevo 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 15:1-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo