VaFiripi 4:15-19
VaFiripi 4:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete; nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa. Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo. Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhitasi zvipo zvamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuhwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari. Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
VaFiripi 4:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munozivawo, imi vaFiripi, kuti pakutanga kweVhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasina sangano rimwe rakasangana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga; nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipirizve, pakushayiwa kwangu. Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho. Zvino ndava nezvose, ndapfumiswa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafirodhito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sohwema hunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari. Zvino Mwari wangu achazadzisa kushayiwa kwenyu kwose papfuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu.
VaFiripi 4:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi vanhu veFiripi, sokuziva kwenyu, imi pachenyu, kuti pakutangisa kweShoko Rakanaka, pandakabva kuMasedhonia, hakuna rimwe sangano rakabatana neni ndichiita kandiro enda kandiro dzoka navo kusiya imi moga. Kunyange kuTesaronika makanditumira rubatsiro kaviri kose. Hakusi kuti kungoda zvipo asi kuti ndinoda muchero unowedzerwa kwamuri. Makandiripa zvizere uye zvakapfuurikidza. Ndava nezvose pandadai kugamuchira kuna Epafurodhitusi zvipo zvamakanditumira, mupiro chaiwo, chibayiro chinogamuchirika chinofadza Mwari. Mwari wangu achakupai zvose zvamunenge musina maererano noupfumi hwake husingatauriki muna Kristu Jesu.
VaFiripi 4:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munoziʋa ʋo, imi ʋaFiripi, kuti pakutaŋga kweEvaŋgeri, ndicibva Makedonia, pakaŋga pasinekereke imŋe yakasoŋgana neni pashoko rokupa nokugamucira, asi imi moga; nokuti napaTesaronika makanditumira kamŋe, norwecipiri ɀe, pakushaiwa kwaŋgu. Handireʋi kuɗaro kuti nditȿake cipo, asi ndinotȿaka ciɓereko camunozofumiswa naco. Ɀino ndaʋa neɀose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamucira kunaEpafrodito iɀo, ɀinobva kwamuri, ɀakaita sobgema bgunonhuwira, neciɓayiro cakafanira, cinofadza Mŋari. Ɀino Mŋari waŋgu ucazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubginya, munaKristu Jesu.
VaFiripi 4:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)