VaFiripi 4:10-14
VaFiripi 4:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze. Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo. Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba. Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.
VaFiripi 4:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakafara zvikuru muna Ishe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashayiwa nguva. Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. Ndingaita zvose naiye anondipa simba. Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu.
VaFiripi 4:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinofara zvikuru kwazvo muna Tenzi kuti zvazoitika zvino kuti mazondifungazve. Maindirangarira zvenyu asi makanga musina kuwana mukana wacho. Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri. Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa. Asi imi makaita zvakanaka kwazvo pamakabatana neni mumatambudziko angu.
VaFiripi 4:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakafara ɀikuru munaShe, nokuti ɀino makapepuka ɀe mukandiraŋgarira; makaŋga maraŋgarira henyu, asi makashaiwa ŋguʋa. Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo. Ndinoziʋa ʋurombo, ndinoziʋa ʋo kuʋa neɀakawanda; pacinhu cipi necipi napaɀinhu ɀose ndakadzidziswa kuti ndiziʋe kuguta nokunzwa nzara, kuʋa neɀizhinji nokushaiwa. Ndiŋgaita ɀose naiye unondipa simba. Kunyaŋge ɀakaɗaro, makaita ɀakanaka ɀamakasoŋgana neni pakutambudzika kwaŋgu.
VaFiripi 4:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)