Firimoni 1:10-18
Firimoni 1:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu. Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni. Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo. Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri. Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She. Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita. Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.
Firimoni 1:10-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo, akanga asingakubatsiri kare, asi zvino anobatsira zvikuru, iwe neni; ndinomudzosera kwauri, iye amene, mwoyo wangu chaiwo; ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweVhangeri; asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nokusingaperi; arege kuzova muranda, asi munhu anopfuura muranda, ave hama inodikanwa, panyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri. Zvino kana uchiti ndiri mugovani newe, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini. Asi kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange ane ngava newe, undiravireni izvozvo.
Firimoni 1:10-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokuteterera ndichikumbirira mwana wangu Onesimo wandakabereka muusungwa hwangu. Iye akanga ari munhu asina maturo kwauri asi iye zvino ave munhu ane basa kwauri nokwandiri. Zvino ndava kumudzorera kwauri ndichimutumira somunhu wapamwoyo pangu chaiye, Ndingadai ndakatosarudza kuramba ndiinaye kuno kuti andishandire panzvimbo pako nguva yandiri muusungwa kudai pamusana peShoko Rakanaka. Asi ndakasarudza kuti ndirege kuva nechandinoita ndisina mvumo yako kuitira kuti kundiitira zvakanaka kwako kurege kuva kokumanikidzwa asi kuti kuve kwaunosarudza wakasununguka. Pamwe ndizvo zvakaita kuti amboparadzaniswa newe kwekachinhambo kuti azodzorerwa kwauri zvachose, kwete senhapwa asi atokosha kupinda nhapwa, ava munun'una wapamwoyo zvikuru kwandiri, ko kutozoti kwauri, inga mwana womumusha wani uyewo akakosha muna Tenzi. Zvino kana iwe uchindiona sasahwira wako, mugamuchire sokundigamuchira kwaungandiite. Kana pane chii zvacho chaakakunganisira kana kuti ane chikwereti newe chinyore pazita rangu sechikwereti.
Firimoni 1:10-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokumbira ɀikuru kwauri pamsoro pomŋana waŋgu, wandakaɓereka pakusuŋgwa kwaŋgu, Onesimo, wakaŋga asiŋgakuɓatsiri kare, asi ɀino unokuɓatsira ɀikuru, iwe neni; ndinomudzosera kwauri, iye amene, mŋoyo waŋgu caiwo; ndaiɗa kuti agare neni, kuti panɀimbo yako andishumire pakusuŋgwa kwaŋgu nokuɗa kweEvaŋgeri; asi ndakaŋga ndisiŋgaɗi kuita cinhu, iwe usati watenda, kuti ɀakanaka ɀauŋgaita ɀirege kuitwa nokuroʋererwa, asi nokuɗa kwako. Nokuti ɀimŋe wakaparadzaniswa newe ciŋguʋa nemhaka iyi, kuti ugozoʋa naye nokusiŋgaperi; arege kuzoʋa muranda, asi munhu unopfuʋura muranda, aʋe hama inoɗikanwa, munyama nomunaShe, ɀikuru kwandiri, asi ɀikuru kwaɀo kwauri. Ɀino kana uciti ndiri mugoʋani newe, umugamucire seɀauŋgandigamucira ini. Asi kana akakuitira cinhu cisakarurama, kunyaŋge aneŋgaʋa newe, undiraʋireni iɀoɀo.
Firimoni 1:10-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)