Ndinokumbira ɀikuru kwauri pamsoro pomŋana waŋgu, wandakaɓereka pakusuŋgwa kwaŋgu, Onesimo, wakaŋga asiŋgakuɓatsiri kare, asi ɀino unokuɓatsira ɀikuru, iwe neni; ndinomudzosera kwauri, iye amene, mŋoyo waŋgu caiwo; ndaiɗa kuti agare neni, kuti panɀimbo yako andishumire pakusuŋgwa kwaŋgu nokuɗa kweEvaŋgeri; asi ndakaŋga ndisiŋgaɗi kuita cinhu, iwe usati watenda, kuti ɀakanaka ɀauŋgaita ɀirege kuitwa nokuroʋererwa, asi nokuɗa kwako. Nokuti ɀimŋe wakaparadzaniswa newe ciŋguʋa nemhaka iyi, kuti ugozoʋa naye nokusiŋgaperi; arege kuzoʋa muranda, asi munhu unopfuʋura muranda, aʋe hama inoɗikanwa, munyama nomunaShe, ɀikuru kwandiri, asi ɀikuru kwaɀo kwauri. Ɀino kana uciti ndiri mugoʋani newe, umugamucire seɀauŋgandigamucira ini. Asi kana akakuitira cinhu cisakarurama, kunyaŋge aneŋgaʋa newe, undiraʋireni iɀoɀo.
Verenga chikamu Firemoni 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Firemoni 1:10-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo