Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo, akanga asingakubatsiri kare, asi zvino anobatsira zvikuru, iwe neni; ndinomudzosera kwauri, iye amene, mwoyo wangu chaiwo; ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweVhangeri; asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nokusingaperi; arege kuzova muranda, asi munhu anopfuura muranda, ave hama inodikanwa, panyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri. Zvino kana uchiti ndiri mugovani newe, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini. Asi kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange ane ngava newe, undiravireni izvozvo.
Verenga chikamu Firimoni 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Firimoni 1:10-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo