Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Firimoni 1:10-18

Firimoni 1:10-18 SCLBD

Ndinokuteterera ndichikumbirira mwana wangu Onesimo wandakabereka muusungwa hwangu. Iye akanga ari munhu asina maturo kwauri asi iye zvino ave munhu ane basa kwauri nokwandiri. Zvino ndava kumudzorera kwauri ndichimutumira somunhu wapamwoyo pangu chaiye, Ndingadai ndakatosarudza kuramba ndiinaye kuno kuti andishandire panzvimbo pako nguva yandiri muusungwa kudai pamusana peShoko Rakanaka. Asi ndakasarudza kuti ndirege kuva nechandinoita ndisina mvumo yako kuitira kuti kundiitira zvakanaka kwako kurege kuva kokumanikidzwa asi kuti kuve kwaunosarudza wakasununguka. Pamwe ndizvo zvakaita kuti amboparadzaniswa newe kwekachinhambo kuti azodzorerwa kwauri zvachose, kwete senhapwa asi atokosha kupinda nhapwa, ava munun'una wapamwoyo zvikuru kwandiri, ko kutozoti kwauri, inga mwana womumusha wani uyewo akakosha muna Tenzi. Zvino kana iwe uchindiona sasahwira wako, mugamuchire sokundigamuchira kwaungandiite. Kana pane chii zvacho chaakakunganisira kana kuti ane chikwereti newe chinyore pazita rangu sechikwereti.

Verenga chikamu Firimoni 1