Numeri 32:1-32
Numeri 32:1-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaRubheni navaGadhi, vakanga vane mombe zhinji uye namakwai akawanda kwazvo, vakaona nyika yaJazeri neGireadhi kuti yakanga yakanakira zvipfuwo. Saka vakauya kuna Mozisi naEreazari muprista nokuvatungamiri veungano, vakati, “Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimira, Heshibhoni, Ereare, Sebhami, Nebho neBheoni, nyika yakakundwa naJehovha pamberi pavanhu vaIsraeri, yakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo.” Vakati, “Kana tawana nyasha pamberi penyu, nyika iyi ngaipiwe kuvaranda venyu ive yedu. Musatiyambutsa Jorodhani.” Mozisi akati kuvaGadhi nokuvaRubheni, “Ko, vanhu venyika yokwenyu vangaenda kuhondo imi makagara henyu pano? Ko, munoodzerei mwoyo yavaIsraeri kuti vasayambuka vachienda kunyika yavakapiwa naJehovha? Izvi ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi Bharinea kuti vandosora nyika. Shure kwokukwira kwavo kuMupata weEshikori vakandoona nyika, vakaodza mwoyo yavaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha. Kutsamwa kwaJehovha kwakamutswa nomusi uyo uye akapika mhiko iyi: ‘Nokuda kwokuti havana kunditevera nomwoyo wose, hakuna mumwe wavo ane makore makumi maviri kana anodarika akabuda munyika yeIjipiti achaona nyika yandakanga ndavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho, hakuna mumwe wavo kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi naJoshua mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavaIsraeri akavaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira zera rose ravaya vakaita zvakaipa pamberi pake rapera. “Hezvino muri pano, imi chibereko chavatadzi, mumire panzvimbo yamadzibaba enyu muchiwedzera kutsamwa kwaJehovha kukuru pamusoro pavaIsraeri. Kana mukatsauka pakumutevera, achasiyazve vanhu ava vose murenje, uye imi ndimi muchauyisa kuparadzwa kwavo.” Ipapo vakakwira kwaari vakati, “Tinoda kuvaka matanga ezvipfuwo zvedu kuno namaguta avakadzi vedu navana. Asi takagadzirira kurwa nokuenda mberi navaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo. Pari zvino vakadzi vedu navana vedu vachagara mumaguta akakomberedzwa, kuti vadzivirirwe pavagari venyika ino. Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira vaIsraeri vose vagamuchira nhaka yavo. Hatizogamuchiri nhaka ipi zvayo pamwe chete navo mhiri kweJorodhani, nokuti nhaka yedu tava nayo kumabvazuva kweJorodhani.” Ipapo Mozisi akati kwavari, “Kana mukaita izvi, kana mukazvishongedza nhumbi dzokurwa pamberi paJehovha kuti mundorwa, uye kana imi mose mukaenda makashonga nhumbi dzokurwa mhiri kwaJorodhani pamberi paJehovha kusvikira adzinga vavengi vake pamberi pake, ipapo kana nyika ichinge yakundwa pamberi paJehovha, mungadzokera henyu uye musununguke pabasa renyu pamberi paJehovha napamberi pavaIsraeri. Uye nyika iyi ichava yenyu pamberi paJehovha. “Asi kana mukakoniwa kuita izvi, muchange matadzira Jehovha; uye zvirokwazvo chivi chenyu chichakuwanai. Vakai maguta avakadzi navana venyu, uye matanga amakwai enyu, asi muite zvamakavimbisa.” VaGadhi navaRubheni vakati kuna Mozisi, “Isu varanda venyu tichaita sezvarayirwa naishe wedu. Vana vedu navakadzi vedu, makwai edu nemombe dzedu zvichasara kuno mumaguta eGireadhi. Asi varanda venyu, varume vose vakazvigadzirira kundorwa, vachayambuka kundorwa pamberi paJehovha sezvataurwa naishe wedu.” Ipapo Mozisi akarayira pamusoro pavo kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni nokuvakuru vemhuri dzamarudzi avaIsraeri. Akati kwavari, “Kana vaGadhi navaRubheni, murume mumwe nomumwe akazvigadzirira kundorwa, vakayambuka Jorodhani nemi pamberi paJehovha, ipapo kana nyika ikakundwa pamberi pako, uvape nyika yeGireadhi ive yavo. Asi kana vakasayambuka nemi vakashonga zvokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pamwe chete nemi muKenani.” VaGadhi navaRubheni vakapindura vakati, “Varanda venyu vachaita zvarehwa naJehovha. Tichayambuka mhiri pamberi paJehovha tigopinda muKenani, takashonga nhumbi dzokurwa nadzo, asi nhaka yatichawana ichava kudivi rino reJorodhani.”
Numeri 32:1-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vana vaRubheni navana vaGadhi vakanga vane zvipfuwo zvizhinji kwazvo; zvino vakati vachitarira nyika yeJazeri nenyika yeGireadhi, vakaona kuti inzvimbo yakafanira zvipfuwo. Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakauya vakataurirana naMosesi naEreazari mupristi namachinda eungano, vakati, “Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreari neSebhami neNebho neBheoni. Nyika dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsiraeri, inyika yakafanira zvipfuwo; zvino isu varanda venyu, tine zvipfuwo.” Vakati, “Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ngaipiwe varanda venyu, ive yavo; musatiyambutsa henyu Jorodhani.” Mosesi akati kuvana vaGadhi navana vaRubheni, “Ko hama dzenyu dzingaenda kundorwa, imi mukagara pano here? Munoodzereiko mwoyo yavana vaIsiraeri varege kuenda kunyika yavakapiwa naJehovha? Ndizvo zvakaita madzibaba enyu nguva yandakavatuma vari paKadheshi‐bharinea, kundoshora nyika. Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza mwoyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha. Jehovha akatsamwa nomusi iwoyo, akapika, akati, ‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomwoyo wose; asi Karebhu, mwanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nokuti ivo vakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa. Zvino tarirai, imi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri. Nokuti kana mukatsauka pakumutevera, uchavasiyazve murenje; imi muchaparadza vanhu ava vose.” Vakaswedera kwaari, vakati, “Tichavakira zvipfuwo zvedu matanga navana vedu vaduku maguta pano; asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika. Hatingadzokeri kudzimba dzedu kudzimana vana vaIsiraeri vose vapiwa nhaka yavo. Nokuti hatingagari nhaka pamwechete navo mhiri kwaJorodhani nemberi; nokuti isu tagoverwa nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani kurutivi rwamabvazuva.” Zvino Mosesi akati kwavari, “Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashonga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehovha kundorwa, mumwe nomumwe wenyu wakashonga akayambuka Jorodhani pamberi paJehovha, kudzimana iye adzinga vavengi vake pamberi pake, nyika ikakundwa pamberi paJehovha, ipapo mungadzoka henyu, hamungavi nemhosva kuna Jehovha nokuvaIsiraeri; nyika ino igova nhaka yenyu pamberi paJehovha. Asi kana mukasaita saizvozvo, tarirai matadzira Jehovha, muzive kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai. Vakirai henyu vana venyu maguta namakwai enyu matanga; itai sezvamakataura.” Vana vaGadhi navana vaRubheni vakataura naMosesi, vakati, “Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wedu. Vana vedu, navakadzi vedu, nezvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose, zvichagara mumaguta eGireadhi; asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.” Naizvozvo Mosesi akaraira pamusoro pavo Ereazari mupristi, naJoshua, mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri; Mosesi akati kwavari, “Kana vana vaGadhi navana vaRubheni vakayambuka nemi, murume mumwe nomumwe wakazvigadzira kundorwa pamberi paJehovha, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuvapa nyika yeGireadhi, ive yavo. Asi kana vasingayambuki nemi, vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pakati penyu panyika yeKenani.” Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakapindura, vakati, “Sezvakareva Jehovha kuvaranda venyu, ndizvo zvatichaita. Tichayambukira pamberi paJehovha kunyika yeKenani, takashonga nhumbi dzedu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani.”
Numeri 32:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzinza aRubheni naGadhi aiva nemombe dzakawanda kwazvo. Akaona nyika yeJazeri neyeGiriadhi dziri nyika dzina mafuro emombe, Naizvozvo vokwaGadhi nevekwaRubheni vakaenda kuna Mosesi nomupristi Ereazari navatungamiriri vegungano, ndokusvikoti, “KuAtaroti nokuDhibhoni nokuJazeri nokuNimura nokuHeshibhoni nokuEreare nokuSebhamu nokuNebho nokuBheoni kunyika dziya dzakakundwa naTenzi tichizviona, kuna mafuro emombe akanaka kwazvo. Zvino isu varanda venyu tine mombe.” Saka vakati, “Kana muchida tipei zvedu isu varanda venyu nyika iyoyi kuti ive nhaka yedu, murege zvenyu kuti tiyambuke kumhiri kwaJorodhani.” Asi Mosesi akapindura vokwaGadhi novokwaRubheni achiti, “Ko imi mungati hama dzenyu dziende dzoga kuhondo, imi mugere zvenyu kuno here? Ko munodireiko kuoresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakapiwa naTenzi? Ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva kuKadheshibhanea kundoona nyika iyi. Vakandosvika kumapani eEshikoru vakaona nyika iyoyo, dzokei vooresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakanga vapiwa naTenzi. Izvozvo zvakashatirisa Tenzi pazuva iroro akapika achiti, ‘Chokwadi hakuna mumwe wavarume vakabva kuIjipiti vane makore makumi maviri kana anopfuura iwayo vachaona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho nokuti havana kunditevera nomwoyo wose, kunze kwaKarebhu chete mwanakomana waJefune muKenezi naJoshuwa mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Tenzi nomwoyo wose.’ Tenzi akashatirirwa vaIsiraeri, akaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira chizvarwa chose chakanga chatadzira Tenzi chapera kufa. Hezvika imi magara nhaka yamadzibaba enyu, muri chizvarwa chakaipa chinotonyanya kuti Tenzi ashatirirwe vaIsiraeri zvikuru. Kana imi mukatsauka pakumutevera achavasiyazve murenje. Ndimi muchaparadzisa vanhu ivava.” Vakasebera kwaari vakati, “Regai timbovakira pano zvipfuwo zvedu matanga, navana vedu maguta, tozotora zvombo zvedu tichienda kuhondo navaIsiraeri, tiri mberi kusvikira tavasvitsa kunzvimbo dzichava nhaka yavo. Izvozvo vana vedu vachange vagere mumaguta akakomberedzwa netsvingo vakadzivirwa kuvanhu vomuno. Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira muIsiraeri wose awana nyika ichava nhaka yake. Isu hatizopiwi nhaka pamwechete navo kumhiri kwaJorodhani zvichienda zvakadaro nokuti nhaka yedu taiwanira mhiri kuno kumabvazuva kwaJorodhani.” Mosesi akavapindura achiti, “Kana muchizoita saizvozvo zvokutora zvombo muchienda kuhondo norubatsiro rwaTenzi, mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo achiyambuka Jorodhani achitungamiririrwa naTenzi kusvikira adzinga iye vavengi vake, kusvikira nyika iyoyi yakundwa yava pasi paTenzi, mungachizodzoka zvenyu musisina mhosva pana Tenzi navaIsiraeri. Naizvozvo nyika ino ichava yenyu nemvumo yaTenzi. “Asi mukasaita saizvozvi, matotadzira Tenzi. Saka zivai izvi zvokuti chitadzo chenyu chichakupfukirai. Chivakirai zvenyu pwere dzenyu maguta, nezvipfuwo zvenyu matanga, muzoita zvamavimbisa.” Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakataura kuna Mosesi vachiti, “Isu varanda venyu tichaita zvamareva changamire wangu. Pwere dzedu namadzimai edu nembudzi nehwai nemombe dzedu dzose, zvichasara zviri mumaguta kuno kuGiriadhi. Asi isu varanda venyu tichayambuka, munhu wose ane zvombo zvehondo achitungamirirwa naTenzi tichienda kuhondo sokutaura kwenyu changamire.” Mosesi akaudza mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri zvokuita navanhu ava akavati, “Kana vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakayambuka Jorodhani nemi, mumwe nomumwe wavo akapakata zvombo zvehondo vachitungamirirwa naTenzi, mukakunda nyika iyoyo, vapei zvenyu nyika yeGiriadhi kuti ive yavo. Asi vakasayambuka nemi kundorwa hondo, vachazowana mugove wavo pamwechete nemi munyika yeKanani.” Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakapindura vachiti, “Zvataurwa naTenzi kwatiri varanda venyu ndizvo zvatichaita. Isu tichayambuka takapakata zvombo zvedu zvehondo kunyika yeKanani tichitungamirirwa naTenzi kuitira kuti nhaka yedu ive mhiri kuno kwaJorodhani.”
Numeri 32:1-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi ʋakaŋga ʋaneɀipfuwo ɀizhinji kwaɀo; ɀino ʋakati ʋacitarira nyika yeJazeri nenyika yeGireadi, ʋakaʋona kuti inɀimbo yakafanira ɀipfuwo. Ipapo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakaʋuya ʋakataurirana naMosesi naEreazari muprista namacinda eʋuŋgano, ʋakati: Ataroti neDiboni neJazeri neNimra neHeshboni neEreari neSebami neNebo neBeoni — Nyika dzakakundwa naJehova pamberi peʋuŋgano yaIsraeri, inyika yakafanira ɀipfuwo; ɀino isu ʋaranda ʋenyu, tineɀipfuwo. Ʋakati: Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ŋgaipiwe ʋaranda ʋenyu, iʋe yaʋo; musatiyambusa henyu Joridani. Mosesi akati kuʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni: Ko hama dzenyu dziŋgaenda kundorwa, imi mukagara pano here? Munoʋodzereiko mŋoyo yaʋana ʋaIsraeri ʋarege kuenda kunyika yaʋakapiwa naJehova? Ndiɀo ɀakaita madziɓaɓa enyu ŋguʋa yandakaʋatuma ʋari paKadeshi‐barnea, kundoshora nyika. Nokuti ʋakati ʋakwira kumupata weEshkori, ʋakaʋona nyika, ʋakaʋodza mŋoyo yaʋana ʋaIsraeri, kuti ʋarege kupinda munyika yaʋakaŋga ʋapiwa naJehova. Jehova akatsamŋa nomusi iwoyo, akapika, akati: Ɀirokwaɀo, hakuŋgaʋi nomumŋe waʋarume ʋakaɓuɗa Egipita, unamakore makumi maʋiri nounopfuʋura, uŋgandoʋona nyika yandakapikira Abrahama naIsaka naJakobo, nokuti haʋana‐kunditeʋera nomŋoyo wose; asi Karebi, mŋanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mŋanakomana waNuni, nokuti iʋo ʋakateʋera Jehova nomŋoyo wose. Jehova akatsamŋira ʋaIsraeri, akaʋadzuŋgairisa murenje makore anamakumi manna, kuȿikira rudzi rwose rwakaŋga rwatadza pamberi paJehova rwaparadzwa. Ɀino tarirai, imi makamuka panɀimbo yamadziɓaɓa enyu, ʋana caiʋo ʋaʋanhu ʋeɀiʋi, kuti muwedzere kutsamŋa kukuru kwaJehova pamsoro paIsraeri. Nokuti kana mukatsauka pakumuteʋera, ucaʋasiya ɀe murenje; imi mucaparadza ʋanhu aʋa ʋose Ʋakasweɗera kwaari, ʋakati: Ticaʋakira ɀipfuwo ɀeɗu mataŋga naʋana ʋeɗu ʋaɗuku maguta pano; asi isu ticaɀigadzirira kurwa, kuti tituŋgamirire ʋana ʋaIsraeri, kudzimana taʋaȿitsa kunɀimbo yaʋo; ʋana ʋeɗu ʋacagara mumaguta akakombga namaȿiŋgo nokuɗa kwaʋanhu ʋagere munyika. Hatiŋgadzokeri kudzimba dzeɗu kudzimana ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋapiwa nhaka yaʋo. Nokuti hatiŋgagari nhaka pamŋe cete naʋo mhiri kwaJoridani nemberi; nokuti isu tagoʋerwa nhaka yeɗu necoʋuno mhiri kwaJoridani kurutiʋi rwamabvazuʋa. Ɀino Mosesi akati kwaʋari: Kana mukaita cinhu ici, kana mukashoŋga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehova kundorwa, mumŋe nomumŋe wenyu wakashoŋga akayambuka Joridani pamberi paJehova, kudzimana iye adziŋga ʋaʋeŋgi ʋake pamberi pake, nyika ikakundwa pamberi paJehova, ipapo muŋgadzoka henyu, hamuŋgaʋi nemhoȿa kunaJehova nokuʋaIsraeri; nyika ino igoʋa nhaka yenyu pamberi paJehova. Asi kana mukasaita saiɀoɀo, tarirai matadzira Jehova, muziʋe kuti ɀiʋi ɀenyu ɀicakuwanai. Ʋakirai henyu ʋana ʋenyu maguta namakwai enyu mataŋga; itai seɀamakataura. Ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakataura naMosesi, ʋakati: Ʋaranda ʋenyu ʋacaita seɀakaraira tenzi weɗu. Ʋana ʋeɗu, naʋakadzi ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu, neŋombe dzeɗu dzose, ɀicagara mumaguta eGireadi; asi ʋaranda ʋenyu ʋacayambuka, ʋose ʋakaɀigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehova, seɀakataurwa natenzi weɗu. Naiɀoɀo Mosesi akaraira pamsoro paʋo Ereazari muprista, naJoshua, mŋanakomana waNuni, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri, Mosesi akati kwaʋari: Kana ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakayambuka nemi, murume mumŋe nomumŋe wakaɀigadzira kundorwa pamberi paJehova, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuʋapa nyika yeGireadi, iʋe yaʋo. Asi kana ʋasiŋgayambuki nemi, ʋakashoŋga nhumbi dzaʋo dzokurwa, ʋanofanira kupiwa nhaka yaʋo pakati penyu panyika yeKanani. Ipapo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakapindura, ʋakati: Seɀakareʋa Jehova kuʋaranda ʋenyu, ndiɀo ɀaticaita. Ticayambukira pamberi paJehova kunyika yeKanani, takashoŋga nhumbi dzeɗu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yeɗu necoʋuno mhiri kwaJoridani.
Numeri 32:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)