Ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi ʋakaŋga ʋaneɀipfuwo ɀizhinji kwaɀo; ɀino ʋakati ʋacitarira nyika yeJazeri nenyika yeGireadi, ʋakaʋona kuti inɀimbo yakafanira ɀipfuwo. Ipapo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakaʋuya ʋakataurirana naMosesi naEreazari muprista namacinda eʋuŋgano, ʋakati: Ataroti neDiboni neJazeri neNimra neHeshboni neEreari neSebami neNebo neBeoni — Nyika dzakakundwa naJehova pamberi peʋuŋgano yaIsraeri, inyika yakafanira ɀipfuwo; ɀino isu ʋaranda ʋenyu, tineɀipfuwo. Ʋakati: Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ŋgaipiwe ʋaranda ʋenyu, iʋe yaʋo; musatiyambusa henyu Joridani. Mosesi akati kuʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni: Ko hama dzenyu dziŋgaenda kundorwa, imi mukagara pano here? Munoʋodzereiko mŋoyo yaʋana ʋaIsraeri ʋarege kuenda kunyika yaʋakapiwa naJehova? Ndiɀo ɀakaita madziɓaɓa enyu ŋguʋa yandakaʋatuma ʋari paKadeshi‐barnea, kundoshora nyika. Nokuti ʋakati ʋakwira kumupata weEshkori, ʋakaʋona nyika, ʋakaʋodza mŋoyo yaʋana ʋaIsraeri, kuti ʋarege kupinda munyika yaʋakaŋga ʋapiwa naJehova. Jehova akatsamŋa nomusi iwoyo, akapika, akati: Ɀirokwaɀo, hakuŋgaʋi nomumŋe waʋarume ʋakaɓuɗa Egipita, unamakore makumi maʋiri nounopfuʋura, uŋgandoʋona nyika yandakapikira Abrahama naIsaka naJakobo, nokuti haʋana‐kunditeʋera nomŋoyo wose; asi Karebi, mŋanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mŋanakomana waNuni, nokuti iʋo ʋakateʋera Jehova nomŋoyo wose. Jehova akatsamŋira ʋaIsraeri, akaʋadzuŋgairisa murenje makore anamakumi manna, kuȿikira rudzi rwose rwakaŋga rwatadza pamberi paJehova rwaparadzwa. Ɀino tarirai, imi makamuka panɀimbo yamadziɓaɓa enyu, ʋana caiʋo ʋaʋanhu ʋeɀiʋi, kuti muwedzere kutsamŋa kukuru kwaJehova pamsoro paIsraeri. Nokuti kana mukatsauka pakumuteʋera, ucaʋasiya ɀe murenje; imi mucaparadza ʋanhu aʋa ʋose Ʋakasweɗera kwaari, ʋakati: Ticaʋakira ɀipfuwo ɀeɗu mataŋga naʋana ʋeɗu ʋaɗuku maguta pano; asi isu ticaɀigadzirira kurwa, kuti tituŋgamirire ʋana ʋaIsraeri, kudzimana taʋaȿitsa kunɀimbo yaʋo; ʋana ʋeɗu ʋacagara mumaguta akakombga namaȿiŋgo nokuɗa kwaʋanhu ʋagere munyika. Hatiŋgadzokeri kudzimba dzeɗu kudzimana ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋapiwa nhaka yaʋo. Nokuti hatiŋgagari nhaka pamŋe cete naʋo mhiri kwaJoridani nemberi; nokuti isu tagoʋerwa nhaka yeɗu necoʋuno mhiri kwaJoridani kurutiʋi rwamabvazuʋa. Ɀino Mosesi akati kwaʋari: Kana mukaita cinhu ici, kana mukashoŋga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehova kundorwa, mumŋe nomumŋe wenyu wakashoŋga akayambuka Joridani pamberi paJehova, kudzimana iye adziŋga ʋaʋeŋgi ʋake pamberi pake, nyika ikakundwa pamberi paJehova, ipapo muŋgadzoka henyu, hamuŋgaʋi nemhoȿa kunaJehova nokuʋaIsraeri; nyika ino igoʋa nhaka yenyu pamberi paJehova. Asi kana mukasaita saiɀoɀo, tarirai matadzira Jehova, muziʋe kuti ɀiʋi ɀenyu ɀicakuwanai. Ʋakirai henyu ʋana ʋenyu maguta namakwai enyu mataŋga; itai seɀamakataura. Ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakataura naMosesi, ʋakati: Ʋaranda ʋenyu ʋacaita seɀakaraira tenzi weɗu. Ʋana ʋeɗu, naʋakadzi ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu, neŋombe dzeɗu dzose, ɀicagara mumaguta eGireadi; asi ʋaranda ʋenyu ʋacayambuka, ʋose ʋakaɀigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehova, seɀakataurwa natenzi weɗu.
Naiɀoɀo Mosesi akaraira pamsoro paʋo Ereazari muprista, naJoshua, mŋanakomana waNuni, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri, Mosesi akati kwaʋari: Kana ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakayambuka nemi, murume mumŋe nomumŋe wakaɀigadzira kundorwa pamberi paJehova, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuʋapa nyika yeGireadi, iʋe yaʋo. Asi kana ʋasiŋgayambuki nemi, ʋakashoŋga nhumbi dzaʋo dzokurwa, ʋanofanira kupiwa nhaka yaʋo pakati penyu panyika yeKanani. Ipapo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni ʋakapindura, ʋakati: Seɀakareʋa Jehova kuʋaranda ʋenyu, ndiɀo ɀaticaita. Ticayambukira pamberi paJehova kunyika yeKanani, takashoŋga nhumbi dzeɗu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yeɗu necoʋuno mhiri kwaJoridani.