Numeri 28:16-31
Numeri 28:16-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha. Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose. Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara. Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi; uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose. Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa. Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose. “ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose. Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.
Numeri 28:16-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha. Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe. Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; kuSabata mabasa avaranda pazuva iro; asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri; nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe. Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe; nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho. Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose. Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa. Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro. “Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda. Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe egore rimwe; nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe, nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe; nenhongo imwe yembudzi, zvokuyanisira nazvo. Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.
Numeri 28:16-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zuva regumi nechina romwedzi wokutanga, ndiro zuva rePasika yaTenzi. Zuva regumi nechishanu romwedzi iwoyu izuva guru. Ngakudyiwe chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Zuva rokutanga racho ngapaitwe musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. Asi pirai Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto wehandira mbiri dzichiri duku pamwechete nehondohwe imwechete, nehwayana hono nomwe, dzine gore rimwechete. Dzose ngadzive dzisina chinoshoreka. Piraiwo mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi, pahandira imwechete torai makirogiramu matatu, pahondohwe torai makirogiramu maviri, pirai kirogiramu rimwechete pahwayana imwe neimwe dzose dziri nomwe. Piraiwo Tenzi gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo kuve kuripira kwenyu. Mipiro iyoyi ngaiwedzerwe pamupiro wokupisa unogaroitwa mangwanani. Kwamazuva manomwe itai saizvozvo zuva nezuva muchipira zvokudya zvomupiro unoita zvokupiswa nomoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. Mipiro iyoyi ngaiwedzere mupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wezvokunwa. Pazuva rechinomwe kokorodzanaizve muite musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. “Pazuva rokupira mupiro wembesanwa dzinotanga kukohwiwa, pamunouya kuzopira Tenzi mupiro wembesanwa dzinotanga, mazuva makuru amavhiki okukohwa, itai musangano mutsvene wezvokunamata musaite basa rinorema. Asi pirai Mwari mupiro wokupisa unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Pirai handira mbiri dzichiri duku nehondohwe imwechete nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete. Piraiwo mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira imwe neimwe pirai makirogiramu matatu oupfu, pahondohwe makirogiramu maviri, pahwayana imwe neimwe kirogiramu rimwechete. Piraiwo gotora rokupfupira zvitadzo zvenyu kuve kuripira kwenyu. Pirai mipiro iyoyi pamwechete nemipiro yayo yezvokunwa tisingaverengere mupiro wokupisa unogaroitwa nomupiro wawo wembesanwa. Nyatsoonai kuti zvipfuwo zvacho zvive zvipfuwo zvisina chinoshoreka.
Numeri 28:16-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, munofanira kuraŋgarira paseka yaJehova. Mutambo unofanira kuitwa nezuʋa regumi namashanu romŋedzi uyo; ciŋgwa cisina — kuʋiriswa cinofanira kudyiwa mazuʋa manomŋe. Pazuʋa rokutaŋga kunofanira kuʋa neʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda pazuʋa iro; asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, cipiriso cinopisirwa Jehova: Nzombe mbiri ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe egore rimŋe, ɀiʋe ɀisina‐kuremara kwamuri; necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; munofanira kuʋuya neɀegumi ɀitatu panzombe imŋe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe. Unofanira kuʋuya necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe pamakwaiana manomŋe; nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, cokuyananisira naco. Munofanira kuʋuya naiɀoɀo kunze kwecipiriso cinopiswa camaŋgwanani, cinofanira kupiswa ŋguʋa dzose. Saiɀoɀo munofanira kuʋuya neɀokudya ɀecipiriso cinopiswa zuʋa rimŋe nerimŋe pamazuʋa manomŋe, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose necipiriso caco cinoɗururwa. Pazuʋa recinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda naro. Ʋuye pazuʋa reɀitȿa, kana muciʋuya necipiriso citȿa coʋupfu kunaJehova pamutambo wenyu wamaviki, munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda. Asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe mbiri ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge egore rimŋe; necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; ɀegumi ɀitatu panzombe imŋe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe, necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe ramakwaiana manomŋe; nenhoŋgo imŋe yembudzi, ɀokuyananisira naɀo. Munofanira kuʋuya naɀo (ɀiʋe kwamuri ɀisina‐kuremara) neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu.
Numeri 28:16-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)