Numeri 21:4-9
Numeri 21:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakafamba vachibva nokuGomo reHori vachitevedza nzira yaienda nokuGungwa Dzvuku, kuti vapoterere Edhomu. Asi vanhu vakaora mwoyo panzira; vakapopotera Mwari naMozisi, vachiti, “Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!” Ipapo Jehovha akatuma nyoka dzino uturu pakati pavo, dzikaruma vanhu uye vaIsraeri vazhinji vakafa. Vanhu vakauya kuna Mozisi vakati, “Takatadza, patakapopotera Jehovha nemi. Nyengeterai kuti Jehovha atibvisire nyoka idzi pakati pedu.” Saka Mozisi akanyengeterera vanhu. Jehovha akati kuna Mozisi, “Gadzira nyoka ino uturu ugoiturika padanda; ani naani anorumwa, akatarira kwairi achararama.” Saka Mozisi akagadzira nyoka yendarira akaiturika padanda. Ipapo vaiti kana ani naani akange arumwa nenyoka, akatarisa panyoka yendarira, airarama.
Numeri 21:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera mwoyo kwazvo panzira. Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMosesi, vakati, “Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.” Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji vaIsiraeri vakafa. Zvino vanhu vakauya kuna Mosesi, vakati, “Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri.” Mosesi akakumbirira vanhu. Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama.” Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama.
Numeri 21:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakabva pagomo reHoru vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu. Asi vari munzira kudaro vanhu vakaora mwoyo, vakanyunyutira Mwari naMosesi vachiti, “Ko makatiburitsireiko kuIjipiti? Heya maida kuti tifire mugwenga muno! Hamuna chokudya kana mvura. Tafinhwa notuchingwa utwu tusina maturo!” Tenzi akatumira vaIsiraeri nyoka dzinouturu hunopisa somoto, dzikavaruma, vanhu vazhinji veIsiraeri vakafa. Vanhu vakauya kuna Mosesi vakati, “Takatadza nokuti takanyunyutira Tenzi nemi. Tinamatireiwo kuna Tenzi kuti atibvisire nyoka idzi.” Naizvozvo Mosesi ndokuvakumbirira. Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Pfura nyoka inouturu hunopisa somoto, uiturike pabango, saka ani naani anenge arumwa, kana akatarisa nyoka yaunopfura, achararama.” Mosesi akapfura nyoka yendarira akaiturika pabango. Naizvozvo ani naani ainge arumwa, aiti akangotarisa nyoka yendarira obva ararama.
Numeri 21:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakasimuka pagomo reHori, ʋakafamba nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku, kuti ʋanyenyeredze nyika yaEdomi; ʋanhu ʋakapera mŋoyo kwaɀo panzira. Ipapo ʋanhu ʋakapopotera Mŋari naMosesi, ʋakati: Makatiɓuɗisireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapane‐ɀokudya, hapane‐mvura; mŋeya yeɗu inosema ɀokudya iɀi ɀakaipa. Jehova akatuma nyoka dzinopeŋga pakati paʋanhu, dzikaruma ʋanhu, ʋanhu ʋazhinji ʋaIsraeri ʋakafa. Ɀino ʋanhu ʋakaʋuya kunaMosesi, ʋakati: Takatadza, nokuti takapopotera Jehova nemi; kumbirai kunaJehova kuti abvise nyoka kwatiri. Mosesi akakumbirira ʋanhu. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uɀiitire nyoka inopeŋga, ugoiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakarumŋa kana akaitarira, ucararama. Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakati kana arumŋa, akatarira nyoka iyo yendarira, wakararama.
Numeri 21:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)