Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 21

21
Nyoka yendarira
1Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo. 2Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, “Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose.” 3Jehovha akateerera izwi ravaIsiraeri, akavapa vaKenani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Homa.
4Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera mwoyo kwazvo panzira. 5Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMosesi, vakati, “Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.” 6Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji vaIsiraeri vakafa. 7Zvino vanhu vakauya kuna Mosesi, vakati, “Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri.” Mosesi akakumbirira vanhu. 8Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama.” 9Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama. 10Vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo paObhoti. 11Vakabva Obhoti, vakandodzika matende avo paIje‐aBharimi, murenje riri pamberi paMoabhu, kumabvazuva. 12Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo pamupata weZeredhi. 13Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo kumhiri kwaArinoni, rwizi rwaiva murenje, rwaibva kunyika yavaAmori; nokuti Arinoni ndiwo muganhu wavaMoabhu, pakati paMoabhu navaAmori. 14Naizvozvo pabhuku yeHondo dzaJehovha panoti:
VaHebhi paSufa,
Nemipata yaArinoni,
15Nemikwidza yemipata
Inorerekera kunzvimbo yeAri,
Inosendamira pamuganhu waMoabhu.
16Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mosesi, “Unganidza vanhu, ndichavapa mvura.”
17Zvino vaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu:
Chivhaira, iwe tsime; imi muriimbire;
18Ndiro tsime rakacherwa namachinda,
Rakacherwa navakuru vavanhu
Netsvimbo youshe, uye netsvimbo dzavo.
Vakabva murenje, vakaenda Matana; 19vakabva Matana, vakaenda Naharieri; vakabva Naharieri, vakaenda Bhamoti; 20vakabva Bhamoti, vakaenda kumupata uri kubani raMoabhu, kusvikira kumusoro wegomo rePisiga, rinotarira pasi kurenje.
21Zvino vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti, 22“Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako.” 23Asi Sihoni akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kurenje kundorwa navaIsiraeri, akasvika paJahazi; akarwa navaIsiraeri. 24Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba. 25Naizvozvo vaIsiraeri vakakunda maguta iwayo ose; vaIsiraeri vakagara mumaguta ose avaAmori, muHeshibhoni napamisha yaro yose. 26Nokuti Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni, mambo wavaAmori, iye akanga arwa namambo wokutanga waMoabhu, akamutorera nyika yake yose kusvikira paArinoni. 27Naizvozvo vanotaura neshumo vanoti,
“Uyai muHeshibhoni,
Guta raSihoni ngarivakwe,
risimbiswe;
28Nokuti moto wakabuda muHeshibhoni,
Nomurazvo paguta raSihoni,
Ukaparadza Ari waMoabhu,
Madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.
29Une nhamo iwe Moabhu!
Mapera imi vanhu veKemoshi;
Wakapa Sihoni vanakomana vake vatize,
Navanasikana vake vatapwe,
Sihoni, mambo wavaAmori.
30Takavapfura; Heshibhoni rakaparadzwa kusvikira paDhibhoni,
Takaparadza kusvikira paNofa,
Moto ukasvika paMedhebha.”
31Naizvozvo vaIsiraeri vakagara munyika yavaAmori. 32Zvino Mosesi akatuma vanhu kundoshora Jazeri, vakakunda misha yaro, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo. 33Ipapo vakadzoka, vakakwira nenzira inoenda Bhashani; zvino Ogi, mambo weBhashani, akauya kuzorwa navo paEdhirei, iye navanhu vake vose. 34Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaoko ako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni.” 35Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 21: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda