Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 21:1-9

Numeri 21:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mambo weAradhi muKanani akanga agere kuNegevhu, kumaodzanyemba kweKanani akanzwa kuti vaIsiraeri vari kuuya nenzira yokuAtarimu. Akandorwisa vaIsiraeri akatapa vamwe vavo. Ipapo vaIsiraeri vakapika mhiko kuna Tenzi vachiti, “Kana mukatiita kuti tikunde vanhu ava, maguta avo tinoaita chibayiro, tichiaparadza zvachose.” Tenzi akanzwa zvakataurwa neIsiraeri akavabatsira kukunda vaKanani. VaIsiraeri vakavaparadza zvachose pamwechete namaguta avo. Ipapo pakazotumidzwa zita rokuti Horima. VaIsiraeri vakabva pagomo reHoru vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu. Asi vari munzira kudaro vanhu vakaora mwoyo, vakanyunyutira Mwari naMosesi vachiti, “Ko makatiburitsireiko kuIjipiti? Heya maida kuti tifire mugwenga muno! Hamuna chokudya kana mvura. Tafinhwa notuchingwa utwu tusina maturo!” Tenzi akatumira vaIsiraeri nyoka dzinouturu hunopisa somoto, dzikavaruma, vanhu vazhinji veIsiraeri vakafa. Vanhu vakauya kuna Mosesi vakati, “Takatadza nokuti takanyunyutira Tenzi nemi. Tinamatireiwo kuna Tenzi kuti atibvisire nyoka idzi.” Naizvozvo Mosesi ndokuvakumbirira. Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Pfura nyoka inouturu hunopisa somoto, uiturike pabango, saka ani naani anenge arumwa, kana akatarisa nyoka yaunopfura, achararama.” Mosesi akapfura nyoka yendarira akaiturika pabango. Naizvozvo ani naani ainge arumwa, aiti akangotarisa nyoka yendarira obva ararama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 21

Numeri 21:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)