Numeri 16:41-50
Numeri 16:41-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Fume mangwana, ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. Vakati, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.” Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa. Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana, uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo. Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuhwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.” Saka Aroni akaita sezvakarehwa naMozisi, akamhanyira pakati peungano. Denda rakanga ratotanga pakati pavanhu, asi Aroni akapisira zvinonhuhwira akavayananisira. Akamira pakati pavapenyu navakafa, denda rikamirawo. Asi vanhu zviuru gumi nezvina namazana manomwe vakafa nedenda, vachiwedzera pane vaya vakanga vafa nokuda kwaKora. Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi pamukova wokupinda muTende Rokusangana, nokuti denda rakanga rapera.
Numeri 16:41-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Fume mangwana ungano yose yavana vaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni, vachiti, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.” Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMosesi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa. Ipapo Mosesi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana, Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.” Ivo vakawira pasi nezviso zvavo. Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paatari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumbidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.” Aroni akaitora, sezvakataura Mosesi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuwira pamusoro payo, akayananisira vanhu. Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma. Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi. Ipapo Aroni akadzokera kuna Mosesi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.
Numeri 16:41-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ramangwana racho gungano rose ravaIsiraeri rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Makaurayisa vanhu vaTenzi.” Gungano rose rakati rauya kuzopikisana naMosesi naAroni, rakatarisa kutendhe rokusanganira, onei gore ratorifukidza kupenya kwembiri yaTenzi kuchioneka. Mosesi naAroni vakauya kumusuo wetendhe rokusanganira. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Sudurukai pagungano iri, ndivaparadze, ndivati bvu kamwechete.” Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara. Mosesi ndokutaurira Aroni achiti, “Tora bisiro rako rerusenzi uisemo moto wapaatari norusenzi, umhanyire naro kugungano upfupire mhosva yavo nokuti vatomutsa hasha dzaTenzi. Vanhu vatotanga kurakashwa nedenda.” Aroni akaita zvaakaudzwa naMosesi akamhanyira mukati mavanhu. Wanei denda ratotanga kare muvanhu. Akaisa rusenzi mumoto achipfupira mhosva dzavanhu. Akamira pakati pavanhu vakanga vafa navapenyu ndokubva denda ramiswa. Vanhu vakaurayiwa nedenda iroro vaiva zviuru gumi nezvina zvina mazana manomwe tisingaverengi vaya vakaurayiwa paya pakapanduka Kora. Aroni akadzokera kwaiva naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira paya pakamiswa denda.
Numeri 16:41-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Fume maŋgwana ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakapopotera Mosesi naAroni, ʋaciti: Imi makaʋuraya ʋanhu ʋaJehova. Ɀino ʋuŋgano yakati yaʋuŋgana kuzorwa naMosesi naAroni, ʋakatarira kutente rokusoŋgana, ʋakaʋona kuti gore rarifukidza, nokubginya kwaJehova kukaʋonekwa. Ipapo Mosesi naAroni ʋakandomira pamberi petente rokusoŋgana, Jehova akataura naMosesi, akati: Ibvai paʋuŋgano iyi, ndiʋaparadze pakarepo. Iʋo ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo. Mosesi akati kunaAroni: Tora haryana yako yeɀinonhuwira, uise mŋoto unobva paartari mukati mayo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro payo, ukurumbidze kuenda naɀo kuʋuŋgano, uʋayananisire; nokuti Jehova watsamŋa, ɗenda rataŋga. Aroni akaitora, seɀakataura Mosesi, akamhanyira pakati peʋuŋgano, ʋonei ɗenda rakaŋga rataŋga pakati paʋanhu; akaisa ɀinonhuwira pamsoro payo, akayananisira ʋanhu. Akandomira pakati paʋakafa naʋapenyu, ɗenda rikaguma. Ɀino ʋakaŋga ʋafa neɗenda ʋakaȿika ɀuru ɀinegumi neɀinna namazana manomŋe, ʋakaŋga ʋafa nokuɗa kwaKora ʋasiŋgaʋereŋgwi. Ipapo Aroni akadzokera kunaMosesi kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ɗenda rikaguma.
Numeri 16:41-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)