Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 16

16
Kora, Dhatani naAbhiramu vanomukira Mosesi naAroni
1Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume, 2vakamukira Mosesi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira; 3vakaunganira kuna Mosesi naAroni, vakati kwavari, “Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?” 4Mosesi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake; 5akataura naKora neboka rake rose, akati, “Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivanani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani aachaswededza kwaari; iye aanotsaura, ndiye aachazoswededza kwaari. 6Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuwira, iwe Kora, neveboka rako rose; 7mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imi vanakomana vaRevhi.” 8Mosesi akatiwo kuna Kora, “Teererai, imi vanakomana vaRevhi: 9Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira, 10akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upristiwo here? 11Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?” 12Ipapo Mosesi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, “Hatidi kukwirako. 13Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here? 14Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako.” 15Ipapo Mosesi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera mbongoro imwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa.” 16Ipapo Mosesi akati kuna Kora, “Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni; 17mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuwira, muise zvinonhuwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake.” 18Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMosesi naAroni. 19Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose. 20Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akati, 21“Zvitsaurei imi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.” 22Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?” 23Ipapo Jehovha akataura naMosesi, akati, 24“Taura neungano, uti, ‘Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.’ ” 25Ipapo Mosesi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera. 26Akataura neungano, akati, “Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose.” 27Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku. 28Zvino Mosesi akati, “Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nokuti handina kuaita nokuda kwangu. 29Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma. 30Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.” 31Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka, 32nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose. 33Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano. 34Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, “Nyika irege kutimedzawo.” 35Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira.
36Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 37“Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, kuti anonge hadyana dzezvinonhuwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nokuti hadyana itsvene; 38idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza atari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri.” 39Zvino mupristi Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti atari ifukidzwe nadzo; 40kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kusedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMosesi.
41Fume mangwana ungano yose yavana vaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni, vachiti, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.” 42Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMosesi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa. 43Ipapo Mosesi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana, 44Jehovha akataura naMosesi, akati, 45“Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.” Ivo vakawira pasi nezviso zvavo. 46Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paatari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumbidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.” 47Aroni akaitora, sezvakataura Mosesi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuwira pamusoro payo, akayananisira vanhu. 48Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma. 49Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi. 50Ipapo Aroni akadzokera kuna Mosesi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 16: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda