Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 16

16
Kora, Datani naAbirami ʋanomukira Mosesi naAroni.
1Ɀino Kora, mŋanakomana waIzari, mŋanakomana waKohati, mŋanakomana waRevi, naDatani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi, naOni, mŋanakomana waPereti, ʋanakomana ʋaRubeni, ʋakatora ʋarume, 2ʋakamukira Mosesi, ʋanaʋamŋe ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋakaɗanwa kumakurukota, ʋarume ʋakaŋga ʋakakurumbira; 3ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni, ʋakati kwaʋari: Ɀariŋgana, nokuti ʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano ʋatȿene, mumŋe nomumŋe waʋo; Jehova uri pakati paʋo; imi munoɀikudzireiko pamakurukota aJehova? 4Mosesi wakati aciɀinzwa, akawira pasi neciso cake; 5akataura naKora neɓoka rake rose, akati: Maŋgwana Jehova ucaratidza kuti ʋanhu ʋake ndiʋanani, ʋuye kuti mutȿene ndiani, ʋuye kuti ndiani waacasweɗedza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waacazosweɗedza kwaari. 6Itai kuɗai: Torai haryana dzeɀinonhuwira, iwe Kora, naʋeɓoka rako rose; 7maŋgwana muise mŋoto mukati madzo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro padzo pamberi paJehova; ɀino munhu unotsaurwa naJehova, ndiye ucaʋa mutȿene. Ɀariŋgana, imi ʋanakomana ʋaRevi. 8Mosesi akati ʋo kunaKora: Tererai, imi ʋanakomana ʋaRevi: 9Ko munoti cinhu ciɗuku kuti Mŋari waIsraeri wakakutsaurai paʋuŋgano yaIsraeri, kuti akusweɗedzei kwaari, kuti muɓate ɓasa retabernakeri yaJehova, nokumira pamberi peʋuŋgano, nokuʋaɓatira, 10akakusweɗedza, nehama dzako dzose, ʋanakomana ʋaRevi, pamŋe cete newe here? Ɀino motȿaka ʋuprista ʋo here? 11Naiɀoɀo iwe neɓoka rako rose maʋuŋgana kuzorwa naJehova; Aroni ndianiko, ɀamunomupopotera iye? 12Ipapo Mosesi akatuma munhu kundoɗana Datani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi; asi iʋo ʋakati: Hatiɗi kukwira’ko. 13Cinhu ciɗuku here ɀawakatiɓuɗisa munyika inoyerera mukaka noʋuci, kuti utiʋurayire murenje; ɀino woɗo‐kuɀiita ishe pamsoro peɗu here? 14Ʋuye hauna‐kutiisa munyika inoyerera mukaka noʋuci, kana kutipe‐nhaka yeminda neyeminda yemizambiriŋga; ɀino unoɗa kutumbura meso aʋanhu aʋa here? Hatiɗi kukwira’ko. 15Ipapo Mosesi akatsamŋa kwaɀo, akati kunaJehova: Musagamucira cipiriso caʋo; handina‐kuʋatorera mboŋgoro imŋe, handina‐kuitira mumŋe waʋo ɀakaipa. 16Ipapo Mosesi akati kunaKora: Iwe neɓoka rako rose, ʋuyai pamberi paJehova maŋgwana, iwe, naiʋo, naAroni; 17mumŋe nomumŋe atore haryana yake yeɀinonhuwira, muise ɀinonhuwira mukati madzo, muʋuye nadzo pamberi paJehova, mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, haryana dzinamazana maʋiri namakumi mashanu; newe ʋo, naAroni, mumŋe nomumŋe haryana yake. 18Ɀino mumŋe nomumŋe wakatora haryana yake, akaisa mŋoto mukati mayo, akaisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro padzo, akandomira pamukoʋa wetente rokusoŋgana, pamŋe cete naMosesi naAroni. 19Kora akaʋuŋganidza ʋuŋgano yose pamukoʋa wetente rokusoŋgana; kubginya kwaJehova kukaʋonekwa neʋuŋgano yose.
20Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni, akati: 21Ɀitsaurei imi paʋuŋgano iyi, ndiʋaparadze pakarepo. 22Ɀino ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Haiwa, Mŋari, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ko kana munhu mumŋe akatadza, muŋgatsamŋira ʋuŋgano yose here? 23Ipapo Jehova akataura naMosesi, akati: 24Taura neʋuŋgano, uti: Ibvai patabernakeri yaKora, naDatani, naAbirami. 25Ipapo Mosesi akasimuka, akaenda kunaDatani naAbirami; ʋakuru ʋaIsraeri ʋakamuteʋera. 26Akataura neʋuŋgano, akati: Ibvai pamatente aʋarume aʋa ʋakaipa, musatoŋgoɓata cinhu caʋo, kuti murege kuparadzwa paɀiʋi ɀaʋo ɀose. 27Naiɀoɀo ʋakabva patabernakeri yaKora, naDatani, naAbirami, kumatiʋi ose; Datani naAbirami ʋakaɓuɗa, ʋakandomira pamikoʋa yamatente aʋo naʋakadzi ʋaʋo naʋana ʋaʋo, neɀana ɀaʋo ɀiɗuku. 28Ɀino Mosesi akati: Mucaziʋa neɀiɀi kuti Jehova wakandituma kuti ndiite maɓasa awa ose; nokuti handina‐kuaita nokuɗa kwaŋgu. 29Kana ʋarume aʋa ʋakafa saʋamŋe ʋanhu ʋose, kana ɀimŋe ʋakaȿikirwa neɀinoȿikira ʋamŋe ʋanhu ʋose, Jehova haana‐kundituma. 30Asi kana Jehova akasika cinhu citȿa, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira mubgiro ʋari ʋapenyu, ipapo mucaziʋa kuti ʋarume aʋa ʋakaɀidza Jehova. 31Ɀino wakati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi paʋo pakatsemuka, 32nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo nemhuri dzaʋo, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari ʋaKora, nenhumbi dzaʋo dzose. 33Naiɀoɀo iʋo, neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira kubgiro ʋari ʋapenyu; ivu rikaʋafukidza, ʋakaparadzwa pakati peʋuŋgano. 34Ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakaʋakomba ʋakatiza nokucema kwaʋo, nokuti ʋakati: Nyika irege kutimedza ʋo. 35Ipapo mŋoto ukaɓuɗa kunaJehova, ukaparadza ʋarume aʋo ʋaiʋa namazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋacipisira ɀinonhuwira.
36Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 37Taura naEreazari, mŋanakomana waAroni muprista, kuti anoŋge haryana dzeɀinonhuwira pakati pomŋoto, iwe uparadzire mŋoto kure, nokuti haryana itȿene; 38idzo haryana dzeɀinonhuwira dzaʋanhu aʋo ʋakatadza ʋakaʋurawa, dzipambadzirwe, kufukidza artari nadzo; nokuti ʋakaŋga ʋaʋuya nadzo pamberi paJehova, naiɀoɀo itȿene; cicaʋa ciratidzo kuʋana ʋaIsraeri. 39Ɀino muprista Ereazari wakatora haryana dzeɀinonhuwira dzendarira, dzakaŋga dzaʋuyiswa naʋakazopiswa, akadzipambadzira kuti artari ifukidzwe nadzo; 40kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri, kuti mutorwa, usati ari worudzi rwaAroni, arege kusweɗera kuti apise ɀinonhuwira pamberi paJehova, arege kuzoitirwa saKora neɓoka rake; seɀakataura Jehova naye nomuromo waMosesi.
41Fume maŋgwana ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakapopotera Mosesi naAroni, ʋaciti: Imi makaʋuraya ʋanhu ʋaJehova. 42Ɀino ʋuŋgano yakati yaʋuŋgana kuzorwa naMosesi naAroni, ʋakatarira kutente rokusoŋgana, ʋakaʋona kuti gore rarifukidza, nokubginya kwaJehova kukaʋonekwa. 43Ipapo Mosesi naAroni ʋakandomira pamberi petente rokusoŋgana, 44Jehova akataura naMosesi, akati: 45Ibvai paʋuŋgano iyi, ndiʋaparadze pakarepo. Iʋo ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo. 46Mosesi akati kunaAroni: Tora haryana yako yeɀinonhuwira, uise mŋoto unobva paartari mukati mayo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro payo, ukurumbidze kuenda naɀo kuʋuŋgano, uʋayananisire; nokuti Jehova watsamŋa, ɗenda rataŋga. 47Aroni akaitora, seɀakataura Mosesi, akamhanyira pakati peʋuŋgano, ʋonei ɗenda rakaŋga rataŋga pakati paʋanhu; akaisa ɀinonhuwira pamsoro payo, akayananisira ʋanhu. 48Akandomira pakati paʋakafa naʋapenyu, ɗenda rikaguma. 49Ɀino ʋakaŋga ʋafa neɗenda ʋakaȿika ɀuru ɀinegumi neɀinna namazana manomŋe, ʋakaŋga ʋafa nokuɗa kwaKora ʋasiŋgaʋereŋgwi. 50Ipapo Aroni akadzokera kunaMosesi kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ɗenda rikaguma.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 16: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda