Numeri 16:1-40
Numeri 16:1-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota. Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! Ungano yose itsvene, mumwe nomumwe wavo zvake, uye Jehovha ari pakati pavo. Zvino munozviisireiko pamusoro peungano yaJehovha?” Mozisi akati anzwa izvozvo, akawira pasi nechiso. Ipapo akati kuna Kora navateveri vake vose, “Mangwanani Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndavapi uye kuti mutsvene ndiani, uye achaita kuti munhu uyo aswedere kwaari. Munhu waachasarudza ndiye waachaswededza kwaari. Iwe Kora, navateveri vako vose munofanira kuita izvi: Torai hadyana dzezvinonhuhwira uye mangwana muise moto nezvinonhuhwira madziri mugoenda nadzo pamberi paJehovha. Munhu achasarudzwa naJehovha ndiye achava mutsvene. Imi vaRevhi mazonyanya zvino!” Mozisi akatizve kuna Kora, “Chinzwai zvino, imi vaRevhi! Ko, hazvina kukwana kwamuri here kuti Mwari wavaIsraeri akakutsaurai pakati peungano yavaIsraeri vose akakuswededzai pedyo naye kuti muite basa patabhenakeri yaJehovha uye kuti mumire pamberi peungano mugovashandira? Akakuswededzai imi nehama dzenyu ivo vaRevhi, asi zvino mava kuedza kubvuta upristawo. Uku kurwa naJehovha zvamadai kusungana pamwe chete iyemi navose vanokuteverai. Aroni ndianiko wamunopopotera?” Ipapo Mozisi akadana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi. Asi ivo vakati, “Hatiuyiko! Hazvina kukwana here kuti makatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi kuti muzotiurayira murenje? Uye iye zvino munoda kubata ushe pamusoro pedu here? Pamusoro pezvo, hamuna kutisvitsa kunyika inoyerera mukaka nouchi kana kutipa nhaka yeminda neminda yemizambiringa. Muchada kutumbura meso avanhu ava here? Haiwa, isu hatiuyiko!” Ipapo Mozisi akatsamwa zvikuru akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo. Handina kutovatorera kana mbongoro, uye handina kutadzira kana mumwe wavo.” Mozisi akati kuna Kora, “Iwe navose vanokutevera munofanira kumira pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo naAroni. Murume mumwe nomumwe ngaatore hadyana yake aise zvinonhuhwira mairi, hadyana mazana maviri namakumi mashanu pamwe chete mugodziisa pamberi paJehovha. Iwe naAroni munofanira kuuyawo nehadyana dzenyu.” Saka murume mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto nezvinonhuhwira mairi, uye vakamira naMozisi naAroni pamukova wokupinda muTende Rokusangana. Kora akati aunganidza vateveri vake vose vaipikisana navo pamukova wokupinda muTende Rokusangana, kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa neungano yose. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Zvitsaurei imi paungano iyi kuitira kuti ndivaparadze izvozvi.” Asi Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo vakadanidzira zvikuru vachiti, “Haiwa Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, mungatsamwira ungano yose here munhu mumwe chete angotadza?” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuungano, ‘Sudurukai mubve pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu.’ ” Mozisi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu uye vakuru veIsraeri vakamutevera. Akayambira ungano akati, “Sudurukai mubve pamatende avanhu vakaipa ava! Musabata chinhu chipi zvacho chinenge chiri chavo, kuti murege kuparadzwa nokuda kwezvivi zvavo zvose.” Saka vakasuduruka vakabva pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakanga vabuda kunze uye vakanga vakamira navakadzi vavo, vana navacheche vari pamukova pamatende avo. Ipapo Mozisi akati, “Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite zvinhu izvi zvose uye kuti dzakanga dzisiri pfungwa dzangu: Kana varume ava vakafa savamwe vanhu uye vakasangana nezvinongoitika kuvanhu vose, ipapo Jehovha anenge asina kundituma. Asi kana Jehovha akauyisa chimwe chinhu chitsva, uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nezvose zvavo, uye vakaburukira muguva vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vazvidza Jehovha.” Akati achangopedza kutaura zvose izvi, pasi pavo pakatsemuka uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nenhumbi dzavo navanhu vose vaKora nezvinhu zvavo zvose. Vakaburukira muguva vari vapenyu, nezvinhu zvavo zvose; nyika ikavafukidza, vakaparara vakabva pakati peungano. Pavakachema, vaIsraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza, vachidanidzira vachiti, “Nyika ichatimedza nesuwo!” Ipapo moto wakabuda uchibva kuna Jehovha ukaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu vakanga vachipisira zvinonhuhwira. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, kuti abvise hadyana parufuse agoparadzira mazimbe kure nokuti hadyana itsvene, idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.” Saka Ereazari muprista akaunganidza hadyana dzendarira dzakauya navaya vakanga vapiswa, akaita kuti dzipwanyiwe kuti dzigova chifukidzo chearitari, sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuhwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake.
Numeri 16:1-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume, vakamukira Mosesi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira; vakaunganira kuna Mosesi naAroni, vakati kwavari, “Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?” Mosesi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake; akataura naKora neboka rake rose, akati, “Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivanani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani aachaswededza kwaari; iye aanotsaura, ndiye aachazoswededza kwaari. Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuwira, iwe Kora, neveboka rako rose; mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imi vanakomana vaRevhi.” Mosesi akatiwo kuna Kora, “Teererai, imi vanakomana vaRevhi: Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira, akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upristiwo here? Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?” Ipapo Mosesi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, “Hatidi kukwirako. Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here? Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako.” Ipapo Mosesi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera mbongoro imwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa.” Ipapo Mosesi akati kuna Kora, “Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni; mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuwira, muise zvinonhuwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake.” Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMosesi naAroni. Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose. Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akati, “Zvitsaurei imi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.” Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?” Ipapo Jehovha akataura naMosesi, akati, “Taura neungano, uti, ‘Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.’ ” Ipapo Mosesi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera. Akataura neungano, akati, “Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose.” Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku. Zvino Mosesi akati, “Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nokuti handina kuaita nokuda kwangu. Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma. Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.” Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka, nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose. Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano. Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, “Nyika irege kutimedzawo.” Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira. Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, kuti anonge hadyana dzezvinonhuwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nokuti hadyana itsvene; idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza atari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri.” Zvino mupristi Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti atari ifukidzwe nadzo; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kusedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMosesi.
Numeri 16:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kora mwanakomana waIzhari mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi pamwechete naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vose naOni mwanakomana waPereti vedzinza rokwaRubheni, vakafurirana navamwe varume vakapandukira Mosesi. Vanhu vacho vaikwana mazana maviri namakumi mashanu. Vaiva vamwe vevatungamiriri vakanga vasarudzwa kutungamirira vaIsiraeri, vari vanhu vanozivikanwa chaizvo. Vakaunganidzana ndokupandukira Mosesi naAroni vachiti, “Varume mazopindiridza! Inga gungano rose rakasarudzwawo naMwari idzvene nemunhu woga woga arimo. Tenzi arimowo mavari. Ko munozozvikwidziridza muchizviisa pamusoro pegungano raTenzi sei?” Mosesi paakazvinzwa akati pasi zvambarara. Akazotaurira Kora navamwe vake achiti, “Mangwana Tenzi achafumotiratidza kuti vake ndavapi vaakazvisarudzira vagouya kwaari. Vaanenge asarudza achavaunza kwaari. Chidai izvi! Iwe Kora neboka rako mangwana torai mabisiro orusenzi muisemo mavhunze omoto norusenzi moisa mabisiro iwayo paatari panopisirwa rusenzi. Saka ipapo asarudzwa naTenzi ndiye mutsvene. Imi vana vaRevhi mapindiridza.” Mosesi ndokupamhidza kutaurira Kora achiti, “Chinzwai vana vaRevhi! Ko munoti chinhu chiduku here chamakaitirwa naTenzi waIsiraeri? Heya munoti chinhu chiduku nhai chaakaita chokukusarudzai muvaIsiraeri vose kuti mukwanise kusvika paari muchiita basa romutendhe raTenzi, akakuisai mberi kuti muitire vanhu basa remo. Akakuswededza pedyo naye, iwe nehama dzako dzose, vanakomana vokwaRevhi. Ko zvino woda basa roupristi here? Saka wamaunganira iwe neboka rako rose ndiTenzi wamunenge muchinyunyutira. Ko Aroni chiiwo zvake wamuri kunyunyutira.” Mosesi akatumira shoko rokuti Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vauye. Ivo vakati, “Kwete hatisi kukwira ikoko. Ko unoti chinhu chiduku here chawakaita chokuti wakatibvisa munyika yakanaka inoerera uchi nomukaka kuzotiurayisa muno murenje, zvawava kutoda kuzviita mutongi wedu. Haunawo kutisvitsa kunyika yakanaka inoerera uchi nomukaka, kana kutipa nhaka yeminda zvayo neyeminda yemigirepisi. Ko unodireiko kubata vanhu kumeso? Hatizi kuuyako.” Mosesi akashatirwa zvikuru akati kuna Tenzi, “Musaite hanya nomupiro wavanokupai. Ini handina kumbovatorera kunyange dhongi rimwechete zvaro, handina kana mumwechete wavo wandakakanganisira.” Mosesi akataurira Kora achiti, “Iwe neboka rako rose mangwana muuye kuna Tenzi, iwe neboka rako naAroni. Mumwe nomumwe ngaauye nebisiro rake rorusenzi, aisemo rusenzi. Mose muuye nawo kuna Tenzi, mabisiro akwane mazana maviri ana makumi mashanu. Iyewe naAroni muuyewo namabisiro enyu orusenzi.” Naizvozvo mumwe nomumwe akatora bisiro rake rorusenzi, ndokuisamo moto ndokuisawo rusenzi, vakandomira kumusuo wetendhe rinoera vaina Mosesi naAroni. Kora akaunganidza gungano rose ravanhu kumusuo wetendhe rinoera kuzopikisana navo. Ipapo kupenya kwaTenzi kwakaonekwa negungano rose. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Sudurukai pagungano iri ndiriparadze kamwe kamwe.” Asi Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara vakati, “Nhai Tenzi, inga ndimi muridzi woupenyu hwose. Ko mungabva mashatirirwa vanhu vose pamusana pomunhu mumwechete here?” Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Udza vanhu vose kuti vabve pedyo namatendhe aKora naDhatani naAbhiramu.” Mosesi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu. Vakuru vakuru vavaIsiraeri vakamuteverawo. Akataurira gungano rose achiti, “Ndapota ibvai pedyo namatendhe evarume vakaipa ava. Musabate chinhu chavo mungadaro mukaparadzwa pamusana pezvitadzo zvavo.” Vanhu vose vakabva pedyo panharaunda yamatendhe aKora naDhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakabuda pamwechete namadzimai avo navana vavo vose navacheche vakamira pamisuo yamatendhe avo. Mosesi ndokuti, “Zvino muchazoziva kuti Tenzi ndiye akandituma kuzoita mabasa ose aya andinoita hazvisiri zvokungozvisarudzira. Zvamuchaziva nazvo ndezvizvi zvokuti, kana varume ava vakaita mafiro anongoitawo vamwe vose kana kuwirwa nenhamo dzinongowirawo vamwe vose, Tenzi haana kundituma. Asi kana Tenzi akaita chimwe chinhu chitsva, nyika ikashama muromo wayo ikavamedza pamwechete nezvinhu zvavo zvose, vakatozomokeramo vachienda kunzvimbo yavachakabvu, ndipo pamuchazoziva kuti varume ava vakashora Tenzi.” Achangopedza kutaura mashoko iwayo pavakanga vamire pakati bamu kutsemuka. Nyika yakashama muromo wayo, ikavamedza nedzimba dzavo navose vokwaKora nezvinhu zvavo zvose. Saka vose vakati ririri imomo, vari vapenyu kunzvimbo yavachakabvu nezvinhu zvavo zvose. Pasi ndokuti gwibha kuvakwidibira. Ndiko kuparadzwa kwavakaitwa pakati pegungano ravaIsiraeri. VaIsiraeri vose vakanga varipo vakanzwa kuchema kwavo vakatiza vachiti, “Nyika ingadaro ikatimedzawo nesu tose.” Ipapo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa varume vaya vaikwana mazana maviri namakumi mashanu vakanga vauya kuzopira rusenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chiudza Ereazari mwanakomana womupristi Aroni kuti andobvisa mabisiro orusenzi mumoto, arasire mavhunze acho kure nokure nokuti mabisiro iwayo ava kuera. Tora mabisiro avarume vaya vakatadza vakabva vaurayiwa, uapfure ave mapepa okukwidibirisa paatari nokuti vakauya nawo kuzopira Tenzi, saka ava kuera. Achava mucherechedzo wokuyambira vaIsiraeri.” Ipapo Ereazari mupristi akatora mabisiro omundarira aye evaye vakaurayiwa. Vakaapfura vakagadzira chokukwidibirisa nacho atari kuti chive chiyeuchidzo kuvaIsiraeri chokuti munhu wose asiri mupristi asiriwo wechizvarwa chokwAroni arege kuuya kuzopira Tenzi rusenzi nokuti zviya zvakawira Kora navamwe vake zvingavawirewo. Ndiwo mashoko akaudzwa Ereazari naTenzi achibva nokuna Mosesi.
Numeri 16:1-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Kora, mŋanakomana waIzari, mŋanakomana waKohati, mŋanakomana waRevi, naDatani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi, naOni, mŋanakomana waPereti, ʋanakomana ʋaRubeni, ʋakatora ʋarume, ʋakamukira Mosesi, ʋanaʋamŋe ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋakaɗanwa kumakurukota, ʋarume ʋakaŋga ʋakakurumbira; ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni, ʋakati kwaʋari: Ɀariŋgana, nokuti ʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano ʋatȿene, mumŋe nomumŋe waʋo; Jehova uri pakati paʋo; imi munoɀikudzireiko pamakurukota aJehova? Mosesi wakati aciɀinzwa, akawira pasi neciso cake; akataura naKora neɓoka rake rose, akati: Maŋgwana Jehova ucaratidza kuti ʋanhu ʋake ndiʋanani, ʋuye kuti mutȿene ndiani, ʋuye kuti ndiani waacasweɗedza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waacazosweɗedza kwaari. Itai kuɗai: Torai haryana dzeɀinonhuwira, iwe Kora, naʋeɓoka rako rose; maŋgwana muise mŋoto mukati madzo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro padzo pamberi paJehova; ɀino munhu unotsaurwa naJehova, ndiye ucaʋa mutȿene. Ɀariŋgana, imi ʋanakomana ʋaRevi. Mosesi akati ʋo kunaKora: Tererai, imi ʋanakomana ʋaRevi: Ko munoti cinhu ciɗuku kuti Mŋari waIsraeri wakakutsaurai paʋuŋgano yaIsraeri, kuti akusweɗedzei kwaari, kuti muɓate ɓasa retabernakeri yaJehova, nokumira pamberi peʋuŋgano, nokuʋaɓatira, akakusweɗedza, nehama dzako dzose, ʋanakomana ʋaRevi, pamŋe cete newe here? Ɀino motȿaka ʋuprista ʋo here? Naiɀoɀo iwe neɓoka rako rose maʋuŋgana kuzorwa naJehova; Aroni ndianiko, ɀamunomupopotera iye? Ipapo Mosesi akatuma munhu kundoɗana Datani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi; asi iʋo ʋakati: Hatiɗi kukwira’ko. Cinhu ciɗuku here ɀawakatiɓuɗisa munyika inoyerera mukaka noʋuci, kuti utiʋurayire murenje; ɀino woɗo‐kuɀiita ishe pamsoro peɗu here? Ʋuye hauna‐kutiisa munyika inoyerera mukaka noʋuci, kana kutipe‐nhaka yeminda neyeminda yemizambiriŋga; ɀino unoɗa kutumbura meso aʋanhu aʋa here? Hatiɗi kukwira’ko. Ipapo Mosesi akatsamŋa kwaɀo, akati kunaJehova: Musagamucira cipiriso caʋo; handina‐kuʋatorera mboŋgoro imŋe, handina‐kuitira mumŋe waʋo ɀakaipa. Ipapo Mosesi akati kunaKora: Iwe neɓoka rako rose, ʋuyai pamberi paJehova maŋgwana, iwe, naiʋo, naAroni; mumŋe nomumŋe atore haryana yake yeɀinonhuwira, muise ɀinonhuwira mukati madzo, muʋuye nadzo pamberi paJehova, mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, haryana dzinamazana maʋiri namakumi mashanu; newe ʋo, naAroni, mumŋe nomumŋe haryana yake. Ɀino mumŋe nomumŋe wakatora haryana yake, akaisa mŋoto mukati mayo, akaisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro padzo, akandomira pamukoʋa wetente rokusoŋgana, pamŋe cete naMosesi naAroni. Kora akaʋuŋganidza ʋuŋgano yose pamukoʋa wetente rokusoŋgana; kubginya kwaJehova kukaʋonekwa neʋuŋgano yose. Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni, akati: Ɀitsaurei imi paʋuŋgano iyi, ndiʋaparadze pakarepo. Ɀino ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Haiwa, Mŋari, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ko kana munhu mumŋe akatadza, muŋgatsamŋira ʋuŋgano yose here? Ipapo Jehova akataura naMosesi, akati: Taura neʋuŋgano, uti: Ibvai patabernakeri yaKora, naDatani, naAbirami. Ipapo Mosesi akasimuka, akaenda kunaDatani naAbirami; ʋakuru ʋaIsraeri ʋakamuteʋera. Akataura neʋuŋgano, akati: Ibvai pamatente aʋarume aʋa ʋakaipa, musatoŋgoɓata cinhu caʋo, kuti murege kuparadzwa paɀiʋi ɀaʋo ɀose. Naiɀoɀo ʋakabva patabernakeri yaKora, naDatani, naAbirami, kumatiʋi ose; Datani naAbirami ʋakaɓuɗa, ʋakandomira pamikoʋa yamatente aʋo naʋakadzi ʋaʋo naʋana ʋaʋo, neɀana ɀaʋo ɀiɗuku. Ɀino Mosesi akati: Mucaziʋa neɀiɀi kuti Jehova wakandituma kuti ndiite maɓasa awa ose; nokuti handina‐kuaita nokuɗa kwaŋgu. Kana ʋarume aʋa ʋakafa saʋamŋe ʋanhu ʋose, kana ɀimŋe ʋakaȿikirwa neɀinoȿikira ʋamŋe ʋanhu ʋose, Jehova haana‐kundituma. Asi kana Jehova akasika cinhu citȿa, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira mubgiro ʋari ʋapenyu, ipapo mucaziʋa kuti ʋarume aʋa ʋakaɀidza Jehova. Ɀino wakati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi paʋo pakatsemuka, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo nemhuri dzaʋo, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari ʋaKora, nenhumbi dzaʋo dzose. Naiɀoɀo iʋo, neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira kubgiro ʋari ʋapenyu; ivu rikaʋafukidza, ʋakaparadzwa pakati peʋuŋgano. Ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakaʋakomba ʋakatiza nokucema kwaʋo, nokuti ʋakati: Nyika irege kutimedza ʋo. Ipapo mŋoto ukaɓuɗa kunaJehova, ukaparadza ʋarume aʋo ʋaiʋa namazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋacipisira ɀinonhuwira. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Taura naEreazari, mŋanakomana waAroni muprista, kuti anoŋge haryana dzeɀinonhuwira pakati pomŋoto, iwe uparadzire mŋoto kure, nokuti haryana itȿene; idzo haryana dzeɀinonhuwira dzaʋanhu aʋo ʋakatadza ʋakaʋurawa, dzipambadzirwe, kufukidza artari nadzo; nokuti ʋakaŋga ʋaʋuya nadzo pamberi paJehova, naiɀoɀo itȿene; cicaʋa ciratidzo kuʋana ʋaIsraeri. Ɀino muprista Ereazari wakatora haryana dzeɀinonhuwira dzendarira, dzakaŋga dzaʋuyiswa naʋakazopiswa, akadzipambadzira kuti artari ifukidzwe nadzo; kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri, kuti mutorwa, usati ari worudzi rwaAroni, arege kusweɗera kuti apise ɀinonhuwira pamberi paJehova, arege kuzoitirwa saKora neɓoka rake; seɀakataura Jehova naye nomuromo waMosesi.
Numeri 16:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)