Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 6:1-16

Nehemia 6:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhu uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo, Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vachiti, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa. Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?” Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose. Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa. Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo. Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.” Ndakatumira mhinduro kwaari ndikati, “Hapana chinhu chakaita sechauri kutaura chiri kuitika; ndiwe uri kungozvifunga mumusoro mako.” Vose vaingoedza kutivhundutsira vachiti mumwoyo yavo, “Maoko avo achaneta nebasa, uye harizoperi.” Asi ndakanyengetera ndikati, “Simbisai maoko angu zvino.” Rimwe zuva ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.” Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!” Ndakaona kuti Mwari akanga asina kumutuma asi kuti aiprofita zvakaipa pamusoro pangu nokuti akanga atengwa naTobhia naSanibharati. Akanga atengwa kuti azondivhundutsira kuitira kuti ndiite chivi nokuita izvi, uye ipapo vagondipa zita rakaipa kuti vandisvibise. Haiwa Mwari wangu, rangarirai henyu Tobhia naSanibharati, nokuda kwezvavaita; rangariraiwo muprofitakadzi Noadhia uye noruzhinji rwavaprofita avo vanga vachiedza kundivhundutsira. Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri. Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 6

Nehemia 6:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuo;) Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, “Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno.” Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa. Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, “Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?” Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo. Ipapo Sanibharati wakatumazve muranda wake kwandiri saizvozvo rwechishanu, akabata n’wadhi yakazaruka muruoko rwake; imomo makanga makanyorwa, muchiti, “Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo. Uye, kuti iwe wakagadza vaporofita vanoparidza pamusoro pako paJerusaremu, vachiti, ‘Pakati paJudha pana mambo.’ Naizvozvo zvino chiuya, tirangane tose.” Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati, “Hapaitwi zvinhu zvakadai zvaunotaura, asi wakangozvifunga hako mumwoyo mako.” Nokuti vose vakanga vachitsvaka kutityisa, vachiti, “Maoko avo ngaashaiwe simba pabasa, kuti rirege kupedzwa.” Asi zvino, Mwari simbisai maoko angu. Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, “Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nokuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya.” Ini ndakati, “Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi.” Ndikaona kwazvo kuti Mwari akanga asina kumutuma; asi akandiporofitera izvozvo, nokuti akanga afufurwa naTobhia naSanibharati. Akanga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saizvozvo, nditadze, kuti vawane chavangandichera nacho, vagondishora. Rangarirai henyu, Mwari wangu, mabasa awa aTobhia naSanibharati, naNowadhia muporofitakadzi, navamwe vaporofita, vakaidza kundityisa. Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri. Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora mwoyo; nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 6

Nehemia 6:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino pazvakasvitswa munzeve dzaSanibharati naTobhiya naGeshemu muArabhu nomunzeve dzavamwe vavengi vedu vose kuti ndakavaka rusvingo, uye kuti pakanga pasisina kana gwanza zvaro (kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndasungirira makonhi pamisuo mikuru yeguta), Sanibharati naGeshemu, vakanditumira shoko rokuti, “Uya tisangane kune mumwe musha uri mubani reOno.” Asi zvavakanga vafunga ndezvokundikuvadza. Asi ini ndakavatumira nhume ndichiti, “Ndiri mukuita basa guru. Handikwanise kudzika ikoko. Basa ringamirireiko? Ndosiya zvangu basa ndichiuya kwamuri here?” Vakatumira shoko kwandiri nomutoo mumwechetewo kanosvika kana, ini ndikavapindurawo zvimwechetezvo. Nenzira imwecheteyo Sanibharati akanditumira kechishanu muranda wake netsamba muruoko yakanga yakazaruka. Mairi makanga makanyorwa kunzi “Pane runyerekupe ruri kufamba muvanhu kana Geshemu ari kuzvitaurawo kuti iwe nevaJudha munoda kupanduka, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Zvinonzi norunyerekupe irworwo, iwe unoda kuva mambo wavo. Uyewo wakatosarudza vaporofita. Iwe wakagadza vaporofita vokuparidza nezvako muJerusaremu vachiti, ‘Munyika yaJudha mave namambo.’ Zvino shoko irori rakaita saizvozvi rava kundosvitswa kuna mambo. Saka iwe uya titaurirane.” Ini ndakatumira shoko kwaari ndichiti, “Zvauri kutaura izvo, hapana zvakamboitika zvakadaro, ndezvomusoro wako zvauri kutoita zvako iyewe.” Nokuti vose zvavo vaida kutityisidzira vachifunga kuti pabasa irori maoko edu anobva arengwendeka, richibva raregwa kuitwa, asi imi Mwari simbisai maoko angu, ini ndokubva ndagwinyisa maoko. Zvino pandakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya aberekwa naMehetabhieri akanga akapfigirwa akati, “Ngatisanganei mumba yaMwari mukati chaimo meTemberi tizarire magonhi eTemberi nokuti vari kuuya kuzokuuraya vari kuuya usiku kuzokuuraya.” Asi ini ndakati, “Murume akaita seni kudai, kutiza here chaizvo? Pangu pano ndingapindewo muTemberi nhai ndikatorarama? Handipindemo ini.” Ndakazvinzwisisa ndikaona kuti Mwari haana kunge amutuma, asi shoko raandiporofitira iri pamusana paTobhiya naSanibharati, vakanga vamutenga. Ndozvavakamutengera izvozvo kuti ini nditye, ndiite saizvozvo, ndiparamure chitadzo, vagondipa zita rakaipa vachindifumura. “Mwari wangu rangarirai Tobhiya naSanibharati nezvinhu zvavakaita izvi murangarirewo mukadzi uyu muporofita Noadiya navamwe vaporifita vose vanoda kundipa mweya wokutya.” Saizvozvo rusvingo rwakapera kuvakwa mumazuva anoita makumi mashanu namaviri, pazuva ramakumi maviri nechishanu remwedzi waEruru. Vavengi vedu vose pavakazvinzwa marudzi ose omunharaunda yedu, akatya, akaona kuti zvokutiwo tinzi vanhu hapasisina chaizvo, nokuti vakanga vaonawo kuti basa irori rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 6

Nehemia 6:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Sanbarati, naTobia, naGeshemi muArabia, naʋamŋe ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋaʋudzwa kuti ndaʋaka ruȿiŋgo, ʋuye kuti takaŋga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyaŋge kuȿikira paŋguʋa iyo ndakaŋga ndicigere kutimika magonhi pamasuʋo;) Sanbarati naGeshemi ndokutuma shoko kwandiri, ʋaciti: Ʋuyai, tisoŋgane panomumŋe musha paɓani reOno. Asi ʋakaŋga ʋaciɗa kundiitira ɀakaipa. Ini ndikatuma nhume kwaʋari, ndiciti: Ndinoɓate‐ɓasa guru, saka handigoni kuɓuruka; ɓasa riŋgamirireiko, kana ndikarirega ndiciɓurukira kwamuri? Ʋakatumira kwandiri saiɀoɀo kanna, ndikaʋapindura ɀe saiɀoɀo. Ipapo Sanbarati wakatuma ɀe muranda wake kwandiri saiɀoɀo rwecishanu, akaɓata ŋwadi yakazaruka muruʋoko rwake; imomo makaŋga makanyorwa, muciti: Ɀinonzi pakati pendudzi, naGashmu unoɗaro ʋo, kuti iwe naʋaJuda munoɗa kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unoʋaka ruȿiŋgo urwo, newe unoɗa kuʋa mambo waʋo, ndiwo mashoko aʋo. Ʋuye, kuti iwe wakagadza ʋaprofita ʋanoparidza pamsoro pako paJerusarema, ʋaciti: Pakati paJuda panamambo. Ɀino mashoko iwayo acandoziʋiswa mambo. Naiɀoɀo ɀino ciʋuya, tiraŋgane tose. Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati: Hapaitwi ɀinhu ɀakaɗai ɀaunotaura, asi wakaŋgoɀifuŋga hako mumŋoyo mako. Nokuti ʋose ʋakaŋga ʋacitȿaka kutityisa, ʋaciti: Maʋoko aʋo ŋgaashaiswe simba paɓasa, kuti rirege kupedzwa. Asi ɀino, Mŋari, simbisai maʋoko aŋgu. Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mŋanakomana waDeraya, mŋanakomana waMehetaberi, wakaŋga aɀipfigira, iye akati: Ŋgatisoŋgane mumba maMŋari, mukati metembere, tipfige mikoʋa yetembere; nokuti ʋacaʋuya kuzokuʋuraya; ʋacaʋuya ʋusiku kuzokuʋuraya. Ini ndikati: Munhu wakaita seni uŋgatiza here? Ndianiko wakaita seni uŋgapinda mutembere, kuti aɀiraramise? Handiŋgapindi. Ndikaʋona kwaɀo kuti Mŋari wakaŋga asina‐kumutuma; asi wakandiprofitera iɀoɀo, nokuti wakaŋga afufurwa naTobia naSanbarati. Wakaŋga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saiɀoɀo, nditadze, kuti ʋawane caʋaŋgandicera naco, ʋagondishoʋora. Raŋgarirai henyu, Mŋari waŋgu, maɓasa awa aTobia naSanbarati, naNoadia muprofitakadzi, naʋamŋe ʋaprofita, ʋakaidza kundityisa. Naiɀoɀo ruȿiŋgo rwakapera pazuʋa ramakumi maʋiri namashanu romŋedzi weEruri, taʋaka mazuʋa anamakumi mashanu namaʋiri. Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋose ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋahedeni ʋose ʋakaŋga ʋakatipoteredza ʋakatya, ʋakaʋora mŋoyo; nokuti ʋakaziʋa kuti ɓasa iri rakaitwa naMŋari weɗu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 6

Nehemia 6:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)