Ɀino Sanbarati, naTobia, naGeshemi muArabia, naʋamŋe ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋaʋudzwa kuti ndaʋaka ruȿiŋgo, ʋuye kuti takaŋga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyaŋge kuȿikira paŋguʋa iyo ndakaŋga ndicigere kutimika magonhi pamasuʋo;) Sanbarati naGeshemi ndokutuma shoko kwandiri, ʋaciti: Ʋuyai, tisoŋgane panomumŋe musha paɓani reOno. Asi ʋakaŋga ʋaciɗa kundiitira ɀakaipa. Ini ndikatuma nhume kwaʋari, ndiciti: Ndinoɓate‐ɓasa guru, saka handigoni kuɓuruka; ɓasa riŋgamirireiko, kana ndikarirega ndiciɓurukira kwamuri? Ʋakatumira kwandiri saiɀoɀo kanna, ndikaʋapindura ɀe saiɀoɀo. Ipapo Sanbarati wakatuma ɀe muranda wake kwandiri saiɀoɀo rwecishanu, akaɓata ŋwadi yakazaruka muruʋoko rwake; imomo makaŋga makanyorwa, muciti: Ɀinonzi pakati pendudzi, naGashmu unoɗaro ʋo, kuti iwe naʋaJuda munoɗa kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unoʋaka ruȿiŋgo urwo, newe unoɗa kuʋa mambo waʋo, ndiwo mashoko aʋo. Ʋuye, kuti iwe wakagadza ʋaprofita ʋanoparidza pamsoro pako paJerusarema, ʋaciti: Pakati paJuda panamambo. Ɀino mashoko iwayo acandoziʋiswa mambo. Naiɀoɀo ɀino ciʋuya, tiraŋgane tose. Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati: Hapaitwi ɀinhu ɀakaɗai ɀaunotaura, asi wakaŋgoɀifuŋga hako mumŋoyo mako. Nokuti ʋose ʋakaŋga ʋacitȿaka kutityisa, ʋaciti: Maʋoko aʋo ŋgaashaiswe simba paɓasa, kuti rirege kupedzwa. Asi ɀino, Mŋari, simbisai maʋoko aŋgu.
Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mŋanakomana waDeraya, mŋanakomana waMehetaberi, wakaŋga aɀipfigira, iye akati: Ŋgatisoŋgane mumba maMŋari, mukati metembere, tipfige mikoʋa yetembere; nokuti ʋacaʋuya kuzokuʋuraya; ʋacaʋuya ʋusiku kuzokuʋuraya. Ini ndikati: Munhu wakaita seni uŋgatiza here? Ndianiko wakaita seni uŋgapinda mutembere, kuti aɀiraramise? Handiŋgapindi. Ndikaʋona kwaɀo kuti Mŋari wakaŋga asina‐kumutuma; asi wakandiprofitera iɀoɀo, nokuti wakaŋga afufurwa naTobia naSanbarati. Wakaŋga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saiɀoɀo, nditadze, kuti ʋawane caʋaŋgandicera naco, ʋagondishoʋora. Raŋgarirai henyu, Mŋari waŋgu, maɓasa awa aTobia naSanbarati, naNoadia muprofitakadzi, naʋamŋe ʋaprofita, ʋakaidza kundityisa.
Naiɀoɀo ruȿiŋgo rwakapera pazuʋa ramakumi maʋiri namashanu romŋedzi weEruri, taʋaka mazuʋa anamakumi mashanu namaʋiri. Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋose ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋahedeni ʋose ʋakaŋga ʋakatipoteredza ʋakatya, ʋakaʋora mŋoyo; nokuti ʋakaziʋa kuti ɓasa iri rakaitwa naMŋari weɗu.