Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 6

6
Ʋaʋeŋgi ʋanoidza kuʋadziʋisa, asi ɓasa rinopera.
1Ɀino Sanbarati, naTobia, naGeshemi muArabia, naʋamŋe ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋaʋudzwa kuti ndaʋaka ruȿiŋgo, ʋuye kuti takaŋga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyaŋge kuȿikira paŋguʋa iyo ndakaŋga ndicigere kutimika magonhi pamasuʋo;) 2Sanbarati naGeshemi ndokutuma shoko kwandiri, ʋaciti: Ʋuyai, tisoŋgane panomumŋe musha paɓani reOno. Asi ʋakaŋga ʋaciɗa kundiitira ɀakaipa. 3Ini ndikatuma nhume kwaʋari, ndiciti: Ndinoɓate‐ɓasa guru, saka handigoni kuɓuruka; ɓasa riŋgamirireiko, kana ndikarirega ndiciɓurukira kwamuri? 4Ʋakatumira kwandiri saiɀoɀo kanna, ndikaʋapindura ɀe saiɀoɀo. 5Ipapo Sanbarati wakatuma ɀe muranda wake kwandiri saiɀoɀo rwecishanu, akaɓata ŋwadi yakazaruka muruʋoko rwake; 6imomo makaŋga makanyorwa, muciti: Ɀinonzi pakati pendudzi, naGashmu unoɗaro ʋo, kuti iwe naʋaJuda munoɗa kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unoʋaka ruȿiŋgo urwo, newe unoɗa kuʋa mambo waʋo, ndiwo mashoko aʋo. 7Ʋuye, kuti iwe wakagadza ʋaprofita ʋanoparidza pamsoro pako paJerusarema, ʋaciti: Pakati paJuda panamambo. Ɀino mashoko iwayo acandoziʋiswa mambo. Naiɀoɀo ɀino ciʋuya, tiraŋgane tose. 8Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati: Hapaitwi ɀinhu ɀakaɗai ɀaunotaura, asi wakaŋgoɀifuŋga hako mumŋoyo mako. 9Nokuti ʋose ʋakaŋga ʋacitȿaka kutityisa, ʋaciti: Maʋoko aʋo ŋgaashaiswe simba paɓasa, kuti rirege kupedzwa. Asi ɀino, Mŋari, simbisai maʋoko aŋgu.
10Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mŋanakomana waDeraya, mŋanakomana waMehetaberi, wakaŋga aɀipfigira, iye akati: Ŋgatisoŋgane mumba maMŋari, mukati metembere, tipfige mikoʋa yetembere; nokuti ʋacaʋuya kuzokuʋuraya; ʋacaʋuya ʋusiku kuzokuʋuraya. 11Ini ndikati: Munhu wakaita seni uŋgatiza here? Ndianiko wakaita seni uŋgapinda mutembere, kuti aɀiraramise? Handiŋgapindi. 12Ndikaʋona kwaɀo kuti Mŋari wakaŋga asina‐kumutuma; asi wakandiprofitera iɀoɀo, nokuti wakaŋga afufurwa naTobia naSanbarati. 13Wakaŋga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saiɀoɀo, nditadze, kuti ʋawane caʋaŋgandicera naco, ʋagondishoʋora. 14Raŋgarirai henyu, Mŋari waŋgu, maɓasa awa aTobia naSanbarati, naNoadia muprofitakadzi, naʋamŋe ʋaprofita, ʋakaidza kundityisa.
15Naiɀoɀo ruȿiŋgo rwakapera pazuʋa ramakumi maʋiri namashanu romŋedzi weEruri, taʋaka mazuʋa anamakumi mashanu namaʋiri. 16Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋose ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋahedeni ʋose ʋakaŋga ʋakatipoteredza ʋakatya, ʋakaʋora mŋoyo; nokuti ʋakaziʋa kuti ɓasa iri rakaitwa naMŋari weɗu. 17Ʋuye, namazuʋa iwayo ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakatuma ʋo ŋwadi zhinji kunaTobia, ʋuye ŋwadi dzaTobia dzakaȿika ʋo kwaʋari. 18Nokuti ʋazhinji ʋaiʋa’po paJuda ʋakaŋga ʋapika kwaari, nokuti waiʋa mukwambo waShekania mŋanakomana waAra; mŋanakomana wake Jehohanani wakaŋga awana mukunda waMeshurami mŋanakomana waBerekia. 19Ʋakarumbidza ʋo maɓasa ake akanaka pamberi paŋgu, nokumuʋudza mashoko aŋgu. Tobia akatuma ŋwadi dzokundityisa.

Zvasarudzwa nguva ino

Nehemia 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda