Nehemia 2:1-10
Nehemia 2:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwedzi waNisani mugore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, panguva yaakavigirwa waini, ndakatora waini ndikapa kuna mambo. Handina kumbenge ndambosuruvara zvakadai pamberi pake. Saka mambo akandibvunza akati, “Ko, chiso chako chinoratidza kusuwa seiko iwe usingarwari? Hapangavi nechimwe chinhu asi shungu dzomwoyo bedzi.” Ndakatya kwazvo, asi ndakati kuna mambo, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Ko, chiso changu chingatadza kupunyaira seiko kana guta rakavigwa madzibaba angu rava dongo uye masuo aro aparadzwa nomoto?” Mambo akati kwandiri, “Chii chauri kuda?” Ipapo ndakanyengetera kuna Mwari wokudenga, ndikapindura mambo ndichiti, “Kana zvichifadza mambo uye kana muranda wenyu awana nyasha pamberi pake, mambo ngaanditumire kuguta riri kuJudha kwakavigwa madzibaba angu kuitira kuti ndinorivakazve.” Ipapo mambo, navahosi vakagara parutivi pake, akandibvunza akati, “Rwendo rwako runotora mazuva mangani, uye uchadzoka rinhi?” Naizvozvo zvakafadza mambo kuti anditume; saka ndakatara nguva. Ndakatizve kwaari, “Kana mambo achifadzwa nazvo, ndingapiwawo tsamba here dzinoenda kuvabati vari mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti vagondipa mvumo yokupfuura kusvikira ndasvika muJudha? Uye ndinokumbirawo tsamba inoenda kuna Asafi, muchengeti wesango ramambo, kuitira kuti azondipa matanda okuchinjika pamusoro pamasuo enhare iri patemberi uye neorusvingo rweguta neeimba yandichagara?” Mambo akandipa zvandakakumbira, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu. Saka ndakaenda kuvabati vaiva mhiri kwaYufuratesi ndikavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atumawo pamwe chete neni vakuru vehondo navatasvi vamabhiza. Sanibharati muHoroni naTobhia muranda wavaAmoni pavakazvinzwa vakashatirwa kwazvo vachiti kwauya mumwe anoda kusimudzira magariro akanaka avaIsraeri.

Nehemia 2:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake. Ipapo mambo akati kwandiri, “Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomwoyo chaidzo.” Ndikatya kwazvo. Ndikati kuna mambo, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuo aro atsva nomoto?” Ipapo mambo akati kwandiri, “Unokumbireiko?” Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga, ndikati kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka.” Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), “Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rini?” Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva. Uye ndakatiwo kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe n’wadhi dzakanyorerwa vabati vari mhiri kworwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha; neimwe n’wadhiwo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda.” Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu. Zvino ndikasvika kuvabati mhiri kworwizi, ndikavapa n’wadhi dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni. Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza mwoyo kwazvo.
Nehemia 2:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwedzi waNisani mugore rechimakumi maviri rokutonga kwamambo Atakizesesi, akagadzikirwa waini ini ndakachera waini ndikaiperekera kuna mambo. Zvino ndakanga ndisati ndambosuruvara paari. Mambo akanditi, “Uso hwako hwakangosuwa-suwa neiko kudai? Inga hausi kurwara wani? Hapana chimwe apa asi kusuruvara mwoyo uku.” Ndakatya zvikuru kwazvo. Ndakapindura mambo ndichiti, “Mambo zvoumambo hwenyu ngazvirambe zvakadaro. Chingatadzise uso hwangu kusuruvara chii iro guta rina makuva amadzibaba angu rakadaro kuita dongo. Misuwo yaro mikuru yakaroromeswa kutsva nomoto kudaro.” Mambo akanditi, “Chichemo chako ipapa ndechei?” Ini ndakati namatei zvangu kuna Mwari Wedenga, ndokupindura mambo ndichiti, “Kana zvichikufadzai, mambo uye kana manzwireni muranda wenyu tsitsi nditumirei zvangu kwaJudha kuguta remakuva amadzibaba angu ndindorivakazve.” Mambo akati kwandiri, izvozvo vahosi vakanga vagere zvavo munyasi mavo, “Uchaveko kwenguva yakadii? Kudzoka uchadzoka rini?” Mambo akazviona zviri zvinhu zvakanaka akandituma, ndikatarirana naye nguva yacho. Ndakati kuna mambo, “Kana zvichikufadzai mambo dai mukati ndipiwe matsamba anonyorerwa magavhuna enyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuretesi kuti vandirege ndichipfuura nomavo kudzamara ndasvika kwaJduha netsambawo inonyorerwa Asafu, muchengeti wesango rokwamambo yokuti andipe matanda okugadzirisa mapango epamusuwo enhare yeTemberi uye erusvingo rweguta neemba yandichagara.” Mambo akandipa zvandakakumbira nokuti ruoko rutsvene rwaMwari wangu rwakanga rwuri pandiri. Ndakaenda kumagavhuna okunyika yekuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ndikavapa matsamba amambo. Izvozvo mambo akandituma navakuru vakuru vekuhondo navachairi vamabhiza. Izvozvi pazvakasvika munzeve dzaSanibharati muHoroni nerimwewo jinda rainzi Tobhiya muAmoni zvakavatsamwisa kwazvo kuti kune mumwe atouya achivavarira kuti zvinhu zvifambire vanhu vechiIsiraeri zvakanaka vabudirire.
Nehemia 2:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nomŋedzi weNisani, negore ramakumi maʋiri ramambo Artashasta, paŋguʋa yaakaŋga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Ɀino ndakaŋga ndisina‐kumbopunyaira pamberi pake. Ipapo mambo akati kwandiri: Ciso cako cinopunyairireiko, ɀausiŋgarwari? Ici cinhu ishuŋgu dzomŋoyo caidzo. Ndikatya kwaɀo. Ndikati kunamambo: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ciso caŋgu ciŋgaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadziɓaɓa aŋgu, raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto? Ipapo mambo akati kwandiri: Unokumbireiko? Ɀino ndikanyeŋgetera kunaMŋari wokuɗeŋga, ndikati kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditume kwaJuda, kuguta ramarinda amadziɓaɓa aŋgu, ndindoriʋaka. Mambo akati kwandiri, (naʋahosi ʋo ʋakaŋga ʋagere naye): Rwendo rwako rucaita ŋguʋa yakaɗiniko? Ucadzoka rini? Ɀino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira ŋguʋa. Ʋuye ndakati ʋo kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ŋwadi dzakanyorerwa ʋaɓati ʋari mhiri kworwizi, ʋanditendere kupfuʋura ndiȿike kwaJuda; neimŋe ŋwadi ʋo kunaAsafi mutariri weɗondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuʋo enhare yapaimba yaMŋari nookuisa paruȿiŋgo rweguta napaimba yandicapinda. Mambo akandipa iɀoɀo, nokuti ruʋoko rwakanaka rwaMŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu. Ɀino ndikaȿika kuʋaɓati mhiri kworwizi, ndikaʋapa ŋwadi dzamambo. Ɀino mambo wakaŋga atuma ʋakuru ʋehondo naʋataȿi ʋamabiza neni. Asi Sanbarati muHoroni, naTobia muranda, muAmoni, ʋakati ʋanzwa kuti kwakaŋga kwaȿika munhu kuzotȿaka kuitira ʋana ʋaIsraeri ɀakanaka, ɀikaʋaʋodza mŋoyo kwaɀo.
Nehemia 2:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)