Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 2:1-10

Nehemiya 2:1-10 SCLB

Mumwedzi waNisani mugore rechimakumi maviri rokutonga kwamambo Atakizesesi, akagadzikirwa waini ini ndakachera waini ndikaiperekera kuna mambo. Zvino ndakanga ndisati ndambosuruvara paari. Mambo akanditi, “Uso hwako hwakangosuwa-suwa neiko kudai? Inga hausi kurwara wani? Hapana chimwe apa asi kusuruvara mwoyo uku.” Ndakatya zvikuru kwazvo. Ndakapindura mambo ndichiti, “Mambo zvoumambo hwenyu ngazvirambe zvakadaro. Chingatadzise uso hwangu kusuruvara chii iro guta rina makuva amadzibaba angu rakadaro kuita dongo. Misuwo yaro mikuru yakaroromeswa kutsva nomoto kudaro.” Mambo akanditi, “Chichemo chako ipapa ndechei?” Ini ndakati namatei zvangu kuna Mwari Wedenga, ndokupindura mambo ndichiti, “Kana zvichikufadzai, mambo uye kana manzwireni muranda wenyu tsitsi nditumirei zvangu kwaJudha kuguta remakuva amadzibaba angu ndindorivakazve.” Mambo akati kwandiri, izvozvo vahosi vakanga vagere zvavo munyasi mavo, “Uchaveko kwenguva yakadii? Kudzoka uchadzoka rini?” Mambo akazviona zviri zvinhu zvakanaka akandituma, ndikatarirana naye nguva yacho. Ndakati kuna mambo, “Kana zvichikufadzai mambo dai mukati ndipiwe matsamba anonyorerwa magavhuna enyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuretesi kuti vandirege ndichipfuura nomavo kudzamara ndasvika kwaJduha netsambawo inonyorerwa Asafu, muchengeti wesango rokwamambo yokuti andipe matanda okugadzirisa mapango epamusuwo enhare yeTemberi uye erusvingo rweguta neemba yandichagara.” Mambo akandipa zvandakakumbira nokuti ruoko rutsvene rwaMwari wangu rwakanga rwuri pandiri. Ndakaenda kumagavhuna okunyika yekuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ndikavapa matsamba amambo. Izvozvo mambo akandituma navakuru vakuru vekuhondo navachairi vamabhiza. Izvozvi pazvakasvika munzeve dzaSanibharati muHoroni nerimwewo jinda rainzi Tobhiya muAmoni zvakavatsamwisa kwazvo kuti kune mumwe atouya achivavarira kuti zvinhu zvifambire vanhu vechiIsiraeri zvakanaka vabudirire.

Verenga chikamu Nehemiya 2