Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake. Ipapo mambo akati kwandiri, “Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomwoyo chaidzo.” Ndikatya kwazvo. Ndikati kuna mambo, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuo aro atsva nomoto?” Ipapo mambo akati kwandiri, “Unokumbireiko?” Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga, ndikati kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka.”
Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), “Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rini?” Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
Uye ndakatiwo kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe n’wadhi dzakanyorerwa vabati vari mhiri kworwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha; neimwe n’wadhiwo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda.” Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
Zvino ndikasvika kuvabati mhiri kworwizi, ndikavapa n’wadhi dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza mwoyo kwazvo.