Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 2:1-10

Nehemia 2:1-10 SUB1949

Ɀino nomŋedzi weNisani, negore ramakumi maʋiri ramambo Artashasta, paŋguʋa yaakaŋga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Ɀino ndakaŋga ndisina‐kumbopunyaira pamberi pake. Ipapo mambo akati kwandiri: Ciso cako cinopunyairireiko, ɀausiŋgarwari? Ici cinhu ishuŋgu dzomŋoyo caidzo. Ndikatya kwaɀo. Ndikati kunamambo: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ciso caŋgu ciŋgaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadziɓaɓa aŋgu, raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto? Ipapo mambo akati kwandiri: Unokumbireiko? Ɀino ndikanyeŋgetera kunaMŋari wokuɗeŋga, ndikati kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditume kwaJuda, kuguta ramarinda amadziɓaɓa aŋgu, ndindoriʋaka. Mambo akati kwandiri, (naʋahosi ʋo ʋakaŋga ʋagere naye): Rwendo rwako rucaita ŋguʋa yakaɗiniko? Ucadzoka rini? Ɀino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira ŋguʋa. Ʋuye ndakati ʋo kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ŋwadi dzakanyorerwa ʋaɓati ʋari mhiri kworwizi, ʋanditendere kupfuʋura ndiȿike kwaJuda; neimŋe ŋwadi ʋo kunaAsafi mutariri weɗondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuʋo enhare yapaimba yaMŋari nookuisa paruȿiŋgo rweguta napaimba yandicapinda. Mambo akandipa iɀoɀo, nokuti ruʋoko rwakanaka rwaMŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu. Ɀino ndikaȿika kuʋaɓati mhiri kworwizi, ndikaʋapa ŋwadi dzamambo. Ɀino mambo wakaŋga atuma ʋakuru ʋehondo naʋataȿi ʋamabiza neni. Asi Sanbarati muHoroni, naTobia muranda, muAmoni, ʋakati ʋanzwa kuti kwakaŋga kwaȿika munhu kuzotȿaka kuitira ʋana ʋaIsraeri ɀakanaka, ɀikaʋaʋodza mŋoyo kwaɀo.

Verenga chikamu Nehemia 2