Nehemia 1:3-6
Nehemia 1:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati kwandiri, “Avo vakapunyuka pakutapwa uye vakadzokera kudunhu vari mudambudziko guru napakunyadziswa. Rusvingo rweJerusarema rwakakoromorwa, uye masuo arwo akapiswa nomoto.” Pandakanzwa zvinhu izvi, ndakagara pasi ndikachema. Ndakaita mazuva ndichichema, ndichinyengetera uye ndichitsanya pamberi paMwari wokudenga. Ipapo ndakati: “Haiwa Jehovha, Mwari wokudenga, Mwari mukuru uye anotyisa anochengeta sungano yake yorudo naavo vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake, nzeve yenyu ngaiteerere uye meso enyu asvinure kuti munzwe munyengetero womuranda wenyu wandinonyengetera pamberi penyu masikati nousiku nokuda kwavaranda venyu, vanhu veIsraeri.
Nehemia 1:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati kwandiri, “Vakasara, vakasiyiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuo aro apiswa nomoto.” Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikazvinyima zvokudya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga, ndikati, “Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake; nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.

Nehemia 1:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akandipindura achiti, “Vapenyu vacho vari uku kunyika iyoyo vakapunyuka muutapwa vaye, vari munhamo huru kwazvo inonyadzisa. Rusvingo rweJerusaremu rwakapazirwa pasi, misuo yaro mikuru ikaroromeswa nomoto.” Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga ndichiti, “Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari mukuru anotyisa anochengeta chitenderano chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu. Tarisaiwo nemeso enyu muone, murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati ndichinamatira vanhu veIsiraeri varanda venyu ndichireurura zvitadzo zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo, zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri yokwangu, takatadza.
Nehemia 1:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati kwandiri: Ʋakasara, ʋakasiyiwa pakutapxa panyika iyo, ʋari pakutambudzika kukuru napakushoʋorwa; ʋuye ruȿiŋgo rweJerusarema ʋo rwakoromoka, namasuʋo aro apiswa nomŋoto. Ɀino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikacema, ndikaita mazuʋa ndicicema; ndikaɀinyima ɀokudya, ndikanyeŋgetera pamberi paMŋari wokuɗeŋga, ndikati: Ndinokumbira kwamuri Jehova Mŋari wokuɗeŋga, Mŋari mukuru unotyisa, iye unoraŋgarira suŋgano yake netsitsi kunaʋanomuɗa ʋaciceŋgeta mirairo yake; nzeʋe yenyu ŋgaiterere ɀino, nameso enyu aȿinure, munzwe munyeŋgetero womuranda wenyu, wandinonyeŋgetera pamberi penyu, ŋguʋa ino, masikati noʋusiku, pamsoro paʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋenyu, ndicireʋurura ɀiʋi ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀatakakutadzirai naɀo; nokuti takatadza, ini naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu.
Nehemia 1:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)