Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 1:3-6

Nehemiya 1:3-6 SNA2002

Vakati kwandiri, “Vakasara, vakasiyiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuo aro apiswa nomoto.” Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikazvinyima zvokudya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga, ndikati, “Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake; nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.

Verenga chikamu Nehemiya 1