Ʋakati kwandiri: Ʋakasara, ʋakasiyiwa pakutapxa panyika iyo, ʋari pakutambudzika kukuru napakushoʋorwa; ʋuye ruȿiŋgo rweJerusarema ʋo rwakoromoka, namasuʋo aro apiswa nomŋoto. Ɀino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikacema, ndikaita mazuʋa ndicicema; ndikaɀinyima ɀokudya, ndikanyeŋgetera pamberi paMŋari wokuɗeŋga, ndikati: Ndinokumbira kwamuri Jehova Mŋari wokuɗeŋga, Mŋari mukuru unotyisa, iye unoraŋgarira suŋgano yake netsitsi kunaʋanomuɗa ʋaciceŋgeta mirairo yake; nzeʋe yenyu ŋgaiterere ɀino, nameso enyu aȿinure, munzwe munyeŋgetero womuranda wenyu, wandinonyeŋgetera pamberi penyu, ŋguʋa ino, masikati noʋusiku, pamsoro paʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋenyu, ndicireʋurura ɀiʋi ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀatakakutadzirai naɀo; nokuti takatadza, ini naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu.
Verenga chikamu Nehemia 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nehemia 1:3-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo