Mako 14:43-65
Mako 14:43-65 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru. Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.” Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda. Vanhu vakabata Jesu vakamusunga. Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake. Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata? Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.” Ipapo vose vakamusiya vakatiza. Rimwe jaya, rakanga rakapfeka nguo yakaisvonaka, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata, rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure. Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete. Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto. Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu. Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana. Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ” Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana. Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?” Asi Jesu akaramba anyerere akasapindura. Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?” Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba achiuya ari pamakore okudenga.” Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu? Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?” Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa. Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova.
Mako 14:43-65 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navanyori navakuru vakuru. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakasimba.” Zvino akati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati, “Rabhi!” Akamutsvoda kwazvo. Ipapo vakaisa maoko kwaari, vakamubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari, “Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here? Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutemberi, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.” Ipapo vakamusiya vose, vakatiza. Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata; asi rakasiya mucheka, rikatiza risina nguo. Zvino vakaisa Jesu kumupristi mukuru; vapristi vakuru vose navakuru vakuru navanyori vakaunganira kwaari. Petirosi akanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto. Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu pamusoro paJesu kuti vamuuraye, asi havana kuuwana. Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana. Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti, “Takamunzwa isu achiti, ‘Ndichaputsa temberi iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kupupura kwavo kwakapesana. Zvino mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti, “Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?” Asi iye akaramba anyerere, asingapinduri chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari, “Ndiwe Kristu, Mwanakomana woAnokudzwa here?” Jesu akati, “Ndini. Nemi muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvapupu? “Manzwa kushonha kwake Mwari; munofungeiko?” Ipapo vose vakamutongera kuti anofanira kufa. Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari, “Porofita; navatariri vakamurova namaoko.”
Mako 14:43-65 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo paakanga achiri kutaura, Judhasi mumwe wavane gumi navaviri akabva asvika aine chikwata chavanhu vakanga vaina mapakatwa netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru. Zvino mupanduki uya akanga avapa chiratidzo chokuti, “Wandinotsvoda ndiyeyo, mubatei muende naye makamuchengetesa.” Naizvozvo kuzoti asvika akabva aenda kwaari oti, “Tikukwaziseika Mudzidzisi,” ndokumutsvoda. Vakabva vati Jesu dzvi, kumubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo akati bakatwa rake wee ndokuvaura nzeve yomuranda womupristi mukuru, akamudimura nzeve. Jesu akati kwavari, “Nhaimi inga matouya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuzobata gororo? Zuva nezuva ndainge ndinemi muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata? Regai Magwaro azadzikiswe.” Vose vakabva vamusiya votiza. Mumwe mukomana akamutevera akafuka jira rerineni chete pamuviri wake. Vakamubata, asi akasiya jira riya rerineni otiza asina chaakapfeka. Vakaenda naJesu kumupristi mukuru. Vapristi vakuru vose, navakuru vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vatounganako. Pita akamutevera ari chinhambwe kudzamara paruvanze rwomupristi mukuru. Akagara namapurisa achidziya moto. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwemhosva yavangape Jesu kuti vamuuraye. Asi vakahushaya. Nokuti vazhinji vakamupupurira zvenhema. Uchapupu hwavo hwakatadza kuwirirana. Vamwe vakasimuka vakamurevera nhema vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichapaza Temberi iyi yakavakwa namaoko, ndigovaka, namazuva matatu, imwe isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kuwirirana. Ipapo mupristi mukuru akasimuka pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Hauna mhinduro here panazvose zvavari kukupomera? Ko mhosva dzauri kupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara, haana kumbopindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunza zvakare achiti, “Ndiwe Mesia here, Mwanakomana waNyakurumbidzwa?” Jesu akati, “Hongu ndini; muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari mumakore edenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake akati, “Tichadireizve zvapupu? Manzwa kushonha kwake Mwari. Munotii nazvo?” Vose vakati, “Ane mhosva, anofanira kuti afe.” Vamwe vakatanga kumupfira mate vachimufukidza kumeso, nokumurova nembama vachiti, “Porofita.” Mapurisawo akamugama nembama.
Mako 14:43-65 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo, acataura, Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji ʋakaɓata minondo netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru. Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandinoȿeta ndiye, mumuɓate muende naye makamusuŋga ɀakaɓata. Ɀino wakati aȿika, pakarepo akasweɗera kwaari, akati: Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. Ipapo ʋakaisa maʋoko kwaari, ʋakamuɓata. Ɀino mumŋe waʋakaŋga ʋamire’po, wakavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwaʋari: Maɓuɗa kuzondiɓata neminondo netȿimbo, sendiri gororo here? Ndakaŋga ndinemi mazuʋa ose, ndicikudzidzisai mutembere, mukarega kundiɓata, asi iɀi ɀaitwa, kuti Magwaro aitike. Ipapo ʋakamusiya ʋose, ʋakatiza. Ɀino rimŋe jaya rakamuteʋera, rakapfeka muceka ɓedzi pamuʋiri, ʋakariɓata; asi rakasiya muceka, rikatiza risineŋguʋo. Ɀino ʋakaisa Jesu kumuprista mukuru; ʋaprista ʋakuru ʋose naʋakuru naʋanyori ʋ kaʋuŋganira kwaari. Petro wakaŋga amuteʋera ari kure kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru; akaŋga agere naʋatariri, acidziya mŋoto. Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka capupu pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye, asi haʋana‐kuwana. Nokuti ʋazhinji ʋaimupupurira nhema, asi kupupura kwaʋo kwakapesana. Ʋamŋe ʋakasimuka, ʋakamupupurira nhema, ʋaciti: Takamunzwa isu aciti: Ndicaputsa tembere iyi yakaʋakwa namaʋoko, ndikaʋaka imŋe namazuʋa matatu, isina‐kuʋakwa namaʋoko. Asi kupupura kwaʋo kwakapesana. Ɀino muprista mukuru akasimuka pakati paʋo, akabvunza Jesu, aciti: Haupinduri cinhu here? Cinyi ici caʋanokupomedzera? Asi iye wakaramba anyerere, asiŋgapinduri cinhu. Muprista mukuru akamubvunza ɀe, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mŋanakomana wounokudzwa here? Jesu akati: Ndini Nemi mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga. Ipapo muprista mukuru akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Ticatȿakireiko ɀapupu? Manzwa kumhura kwake Mŋari; munofuŋgeiko? Ipapo ʋose ʋakamutoŋgera kuti unofanira kufa. Ʋamŋe ʋakataŋga kumupfira mate, ʋakafukidza meso ake, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋaciti kwaari: Profita; naʋatariri ʋakamuroʋa namaʋoko.
Mako 14:43-65 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)