Pakarepo, acataura, Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji ʋakaɓata minondo netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru. Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandinoȿeta ndiye, mumuɓate muende naye makamusuŋga ɀakaɓata. Ɀino wakati aȿika, pakarepo akasweɗera kwaari, akati: Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. Ipapo ʋakaisa maʋoko kwaari, ʋakamuɓata. Ɀino mumŋe waʋakaŋga ʋamire’po, wakavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwaʋari: Maɓuɗa kuzondiɓata neminondo netȿimbo, sendiri gororo here? Ndakaŋga ndinemi mazuʋa ose, ndicikudzidzisai mutembere, mukarega kundiɓata, asi iɀi ɀaitwa, kuti Magwaro aitike. Ipapo ʋakamusiya ʋose, ʋakatiza.
Ɀino rimŋe jaya rakamuteʋera, rakapfeka muceka ɓedzi pamuʋiri, ʋakariɓata; asi rakasiya muceka, rikatiza risineŋguʋo.
Ɀino ʋakaisa Jesu kumuprista mukuru; ʋaprista ʋakuru ʋose naʋakuru naʋanyori ʋ kaʋuŋganira kwaari. Petro wakaŋga amuteʋera ari kure kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru; akaŋga agere naʋatariri, acidziya mŋoto. Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka capupu pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye, asi haʋana‐kuwana. Nokuti ʋazhinji ʋaimupupurira nhema, asi kupupura kwaʋo kwakapesana. Ʋamŋe ʋakasimuka, ʋakamupupurira nhema, ʋaciti: Takamunzwa isu aciti: Ndicaputsa tembere iyi yakaʋakwa namaʋoko, ndikaʋaka imŋe namazuʋa matatu, isina‐kuʋakwa namaʋoko. Asi kupupura kwaʋo kwakapesana. Ɀino muprista mukuru akasimuka pakati paʋo, akabvunza Jesu, aciti: Haupinduri cinhu here? Cinyi ici caʋanokupomedzera? Asi iye wakaramba anyerere, asiŋgapinduri cinhu. Muprista mukuru akamubvunza ɀe, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mŋanakomana wounokudzwa here? Jesu akati: Ndini Nemi mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga. Ipapo muprista mukuru akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Ticatȿakireiko ɀapupu? Manzwa kumhura kwake Mŋari; munofuŋgeiko? Ipapo ʋose ʋakamutoŋgera kuti unofanira kufa. Ʋamŋe ʋakataŋga kumupfira mate, ʋakafukidza meso ake, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋaciti kwaari: Profita; naʋatariri ʋakamuroʋa namaʋoko.