Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 14

14
V: DAMBUDZIKO NORUFU NOKUMUKA KWAJESU
VaJudha vanorangana kuuraya Jesu
(Mat 26:1–5; Ruka 22:1–2; Joh 11:45–53)
1Zvino kwanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika namazuva makuru eZvingwa Zvisina Mbiriso zvisvike. Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vachitsvaka nzira yokumusunga nayo zvisina tsarukano kuti vagomuuraya. 2Vaiti, “Kwete pamazuva makuru, nokuti pangadaro pakaita bongozozo ravanhu.”
Jesu anozorwa mafuta nomumwe mukadzi kuBhetania
(Mat 26:6–13; Joh 12:1–8)
3Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu. 4Pakava navamwe vakanyunyuta nazvo vachiti, “Mafuta aya atambisirweiko kudai? 5Mafuta aya angadai atengeswa madhenari anodarika mazana matatu, mari yacho ichipiwa varombo.” Vakapopotera mukadzi.
6Asi Jesu akati, “Siyanai naye; munomunetserei? Inga aita chinhu chakanakisa wani kwandiri. 7Varombo munavo nguva dzose wani. Pamunenge madira zvenyu munogona kuvaitira zvakanaka asi ini hamuneni nguva dzose. 8Aita zvaagona; afanozora muviri wangu mafuta kuitira kuvigwa kwangu. 9Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kwose kuchaparidzwa shoko iri rakanaka pasi pose, zvaaita zvichataurwawo sechinhu chokumuyeuka nacho.”
Judhasi anoronga nerweseri kutengesa Jesu
(Mat 26:14–16; Ruka 22:3–6)
10Zvino Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari. 11Pavakazvinzwa vakafara vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka nguva yakanaka yokumutengesa nayo.
Jesu anodya Pasika navadzidzi vake
(Mat 26:17–25; Ruka 22:7–14,21–23; Joh 13:21–30)
12Pazuva rokutanga reChingwa Chisina Mbiriso, musi wavaibaya hwayana yePasika, vadzidzi vake vakati kwaari, “Ndokupi kwamunoda kuti tiende kundokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” 13Akatuma vadzidzi vake vaviri, achiti kwavari, “Endai muguta. Muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei. 14Maanenge apinda imomo bvunzai muridzi wemba kuti zvanzi nomudzidzisi, ‘Ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ ” 15Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa yakagadzirwa. Tigadzirirei imomo. 16Vadzidzi vaya vakaenda. Vakasvika muguta vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. 17Ava manheru akauya navane gumi navaviri. 18Pavakanga vagere pakudya Jesu akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu ari kudya neni, achanditengesa.” 19Vakatanga kusuruvara. Mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” 20Iye ndokuti kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri wandiri kuseva naye mundiro.” 21Nokuti, zvechokwadi, Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu, zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake.
Chirariro chaTenzi
(Mat 26:26–30; Ruka 22:14–20; 1 Vak 11:23–25)
22Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” 23Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. 24Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano,#14:24 Rechitenderano: Zvimwe zvinyorwa zvakare zveBhaibhiri zvinowedzera pano kuti, “Chakare,” tarisa Ruka 22:20; 1 Vakorinde 11:25. rinodeurirwa vazhinji. 25Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” 26Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi.
Jesu anofanoudza Pita kuti achamuramba
(Mat 26:31–34; Ruka 22:31–34; Joh 13:36–38)
27Jesu akazoti kwavari, “Mucharasiswa mose nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi, hwai dzigopararira.’ 28Asi mushure mokunge ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” 29Pita akati kwaari, “Kunyange vamwe vose vangarasiswe zvavo asi ini kwete.” 30Jesu ndokuti kwaari, “Zviro kwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi, iwe uchandiramba katatu jongwe risati rarira kaviri.” 31Asi iye akabva atosimbisisa kwazvo achiti, “Kana zvazvo ndikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Vamwe vose vakadarowo.
Jesu anonamata ari muGetsemani
(Mat 26:36–46; Ruka 22:39–46)
32Vakaenda panzvimbo inonzi Getsemani. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndimbonamata.” 33Akatora Pita, naJemusi naJohani. Akatanga kubatwa nokutya kukuru nokusuruvara. 34Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.” 35Akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi akanamata kuti kana zvichigoneka zvaizoitika nguva iyi zvimupfuure zvake. 36Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko#14:36 Wamatambudziko: Izwi iri harimo muchiGiriki asi ndizvo zvinorehwa nemukombe. uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” 37Akadzoka akavawana vatokotsira ndokuti kuna Pita, “Nhai Simoni watokotsira zvako here? Watadza kugarira kweawa imwechete? 38Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi muviri wakarukutika.” 39Akasudurukazve, akanamata achitaura mazwi mamwecheteyo. 40Akadzokazve ndokuvawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru uye vakashaya chokumupindura. 41Akadzokazve kechitatu akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu nokuzorora nhai? Zvakwana. Nguva yatosvika. Mwanakomana womunhu ava kuzoiswa mumaoko avatadzi. 42Simukai tiende, houno anondipandukira wava kusvika.”
Kusungwa kwaJesu
(Mat 26:47–56; Ruka 22:47–53; Joh 18:3–12)
43Pakarepo paakanga achiri kutaura, Judhasi mumwe wavane gumi navaviri akabva asvika aine chikwata chavanhu vakanga vaina mapakatwa netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru. 44Zvino mupanduki uya akanga avapa chiratidzo chokuti, “Wandinotsvoda ndiyeyo, mubatei muende naye makamuchengetesa.” 45Naizvozvo kuzoti asvika akabva aenda kwaari oti, “Tikukwaziseika Mudzidzisi,” ndokumutsvoda. 46Vakabva vati Jesu dzvi, kumubata. 47Zvino mumwe wavakanga vamirepo akati bakatwa rake wee ndokuvaura nzeve yomuranda womupristi mukuru, akamudimura nzeve. 48Jesu akati kwavari, “Nhaimi inga matouya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuzobata gororo? 49Zuva nezuva ndainge ndinemi muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata? Regai Magwaro azadzikiswe.” 50Vose vakabva vamusiya votiza.
51Mumwe mukomana akamutevera akafuka jira rerineni chete pamuviri wake. Vakamubata, 52asi akasiya jira riya rerineni otiza asina chaakapfeka.
Jesu paDare Guru ravaJudha
(Mat 26:57–68; Ruka 22:54–55,63–71; Joh 18:13–14,19–24)
53Vakaenda naJesu kumupristi mukuru. Vapristi vakuru vose, navakuru vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vatounganako. 54Pita akamutevera ari chinhambwe kudzamara paruvanze rwomupristi mukuru. Akagara namapurisa achidziya moto. 55Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwemhosva yavangape Jesu kuti vamuuraye. Asi vakahushaya. 56Nokuti vazhinji vakamupupurira zvenhema. Uchapupu hwavo hwakatadza kuwirirana. 57Vamwe vakasimuka vakamurevera nhema vachiti, 58“Takamunzwa achiti, ‘Ndichapaza Temberi iyi yakavakwa namaoko, ndigovaka, namazuva matatu, imwe isina kuvakwa namaoko.’ ” 59Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kuwirirana.
60Ipapo mupristi mukuru akasimuka pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Hauna mhinduro here panazvose zvavari kukupomera? Ko mhosva dzauri kupomerwa navanhu ava ndedzei?” 61Asi Jesu akaramba akanyarara, haana kumbopindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunza zvakare achiti, “Ndiwe Mesia here, Mwanakomana waNyakurumbidzwa?” 62Jesu akati, “Hongu ndini; muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari mumakore edenga.” 63Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake akati, “Tichadireizve zvapupu? 64Manzwa kushonha kwake Mwari. Munotii nazvo?” Vose vakati, “Ane mhosva, anofanira kuti afe.” 65Vamwe vakatanga kumupfira mate vachimufukidza kumeso, nokumurova nembama vachiti, “Porofita.” Mapurisawo akamugama nembama.
Pita anoramba Jesu
(Mat 26:69–75; Ruka 22:56–62; Joh 18:15–18,25–27)
66Izvozvo Pita akanga ari nechapasi, paruvanze. Mumwe musikana webasa womupristi mukuru akasvikapo. 67Zvaakaona Pita achidziya moto, akamutarisa akati, “Newewo wanga una Jesu weNazareti.” 68Asi iye akazviramba achiti, “Handizivi, kana kunzwisisa zvauri kutaura.” Akabvapo akaenda kusuo guru. 69Zvakare musikana webasa uya zvaakamuona akatangazve kutaurira vakanga vamirepo achiti, “Murume uyu mumwe wavo.” 70Asi iye akazvirambazve. Kwapera chinguvana chidukuduku vaya vakanga vamirepo vakatizve kuna Pita, “Zvechokwadi uri mumwe wavo iwe nokuti uri wokuGarirea.” 71Ipapo Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achipika achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamuri kutaura.”
72Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza kechipiri. Ipapo Pita akayeuka zvakanga zvataurwa naJesu zvokuti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akabva atanga kuchema zvinosiririsa.

Zvasarudzwa nguva ino

Mariko 14: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda