1
Mariko 14:36
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mariko 14:38
Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi muviri wakarukutika.”
3
Mariko 14:9
Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kwose kuchaparidzwa shoko iri rakanaka pasi pose, zvaaita zvichataurwawo sechinhu chokumuyeuka nacho.”
4
Mariko 14:34
Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.”
5
Mariko 14:22
Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.”
6
Mariko 14:23-24
Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji.
7
Mariko 14:27
Jesu akazoti kwavari, “Mucharasiswa mose nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi, hwai dzigopararira.’
8
Mariko 14:42
Simukai tiende, houno anondipandukira wava kusvika.”
9
Mariko 14:30
Jesu ndokuti kwaari, “Zviro kwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi, iwe uchandiramba katatu jongwe risati rarira kaviri.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo