Mako 14:1-11
Mako 14:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye vamuuraye. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, nokuti vanhu vangangoita bope.” Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta chearabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridhi yakaisvonaka. Akazarura chinu akadururira mafuta mumusoro wake. Vamwe vakanga varipo pakati pavo vakatsamwa vakati, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai? Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro unopfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha. Jesu akati kwavari, “Musiyei akadaro. Munomunetsereiko? Aita chinhu chakanaka kwandiri. Varombo munavo nguva dzose, uye munogona kuvabatsira panguva ipi zvayo yamunoda. Asi hamuzogari muneni nguva dzose. Aita zvaanogona. Adururira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu nguva isati yasvika, kuti agadzirire kuvigwa kwangu. Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vanhu vachimurangarira nazvo.” Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari. Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari.
Mako 14:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwePasika nomutambo wezvingwa zvisina mbiriso. Vapristi vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutoo wavangamubata nawo namano, kuti vamuuraye. Nokuti vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.” Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake. Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamwoyo yavo, vakati, “Kuparadza ikoko kwemafuta kwakaitirweiko? Nokuti mafuta oga angadai atengeswa namadhenari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakatsamwira mukadzi.” Asi Jesu akati, “Muregei. Muno mutambudzireiko? Akandiitira basa rakanaka. “Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose. Akaita paakagona napo; akagara azora muviri wangu ndisati ndavigwa. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.” Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvapristi vakuru, kuti amuise kwavari. Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka nzira yaangamuisa kwavari nayo panguva yakafanira.
Mako 14:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kwanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika namazuva makuru eZvingwa Zvisina Mbiriso zvisvike. Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vachitsvaka nzira yokumusunga nayo zvisina tsarukano kuti vagomuuraya. Vaiti, “Kwete pamazuva makuru, nokuti pangadaro pakaita bongozozo ravanhu.” Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu. Pakava navamwe vakanyunyuta nazvo vachiti, “Mafuta aya atambisirweiko kudai? Mafuta aya angadai atengeswa madhenari anodarika mazana matatu, mari yacho ichipiwa varombo.” Vakapopotera mukadzi. Asi Jesu akati, “Siyanai naye; munomunetserei? Inga aita chinhu chakanakisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani. Pamunenge madira zvenyu munogona kuvaitira zvakanaka asi ini hamuneni nguva dzose. Aita zvaagona; afanozora muviri wangu mafuta kuitira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kwose kuchaparidzwa shoko iri rakanaka pasi pose, zvaaita zvichataurwawo sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari. Pavakazvinzwa vakafara vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka nguva yakanaka yokumutengesa nayo.
Mako 14:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mazuʋa maʋiri akaŋga asara pakuȿika kwepaseka nomutambo weɀiŋgwa ɀisinembiriso. Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakaŋga ʋacitȿaka mutoʋo waʋaŋgamuɓata nawo namano, kuti ʋamuʋuraye. Nokuti ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu. Ɀino wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumŋe mukadzi akaʋuya anecinu cearbastera caiʋa necizoro cenardo cakanakisa, cinomuteŋgo mukuru; akaputsa cinu cearbastera, akaciɗurura pamusoro wake. Asi ʋamŋe ʋakaŋga ʋari’po ʋakatsamŋa pamŋoyo yaʋo, ʋakati: Kuparadza ikoko kwecizoro kwakaitirweiko? Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa namadenari anopfuʋura mazana matatu, akapiwa ʋarombo. Ʋakatsamŋira mukadzi. Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira ɓasa rakanaka. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, ŋguʋa ipi neipi yamunoɗa, muŋgaʋaitira ɀakanaka; asi ini hamuneni ŋguʋa dzose. Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muʋiri waŋgu kuʋigwa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri panyika dzose, ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo. Judasi Iskarioti, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, kuti amuise kwaʋari. Iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakafara, ʋakamupikira kuti ʋacamupa mari. Ipapo akatȿaka mutoʋo waaŋgamuisa kwaʋari nawo paŋguʋa yakafanira
Mako 14:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)