Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 14:1-11

Mariko 14:1-11 SCLBD

Zvino kwanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika namazuva makuru eZvingwa Zvisina Mbiriso zvisvike. Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vachitsvaka nzira yokumusunga nayo zvisina tsarukano kuti vagomuuraya. Vaiti, “Kwete pamazuva makuru, nokuti pangadaro pakaita bongozozo ravanhu.” Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu. Pakava navamwe vakanyunyuta nazvo vachiti, “Mafuta aya atambisirweiko kudai? Mafuta aya angadai atengeswa madhenari anodarika mazana matatu, mari yacho ichipiwa varombo.” Vakapopotera mukadzi. Asi Jesu akati, “Siyanai naye; munomunetserei? Inga aita chinhu chakanakisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani. Pamunenge madira zvenyu munogona kuvaitira zvakanaka asi ini hamuneni nguva dzose. Aita zvaagona; afanozora muviri wangu mafuta kuitira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kwose kuchaparidzwa shoko iri rakanaka pasi pose, zvaaita zvichataurwawo sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari. Pavakazvinzwa vakafara vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka nguva yakanaka yokumutengesa nayo.

Verenga chikamu Mariko 14