Mako 11:12-19
Mako 11:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Vadzidzi vake vakamunzwa achidaro. Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva, uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ” Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake. Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.
Mako 11:12-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Fume mangwana vakati vachibva Bhetania, akaziya; zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde. Akapindura, akati kwavari, “Kusava nomunhu, anozodya michero pauri nokusingaperi.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakasvika Jerusaremu; akapinda mutemberi, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutemberi. Akadzidzisa, achiti kwavari, “Hakuna kunyorwa here kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.” Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake. Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, waienda kunze kweguta.
Mako 11:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Fume ramangwana, zvavakanga vachibva kuBhetania akanzwa nzara. Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ndokubva ati kwauri, “Pasazove nomunhu anodya muchero wako narini.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake. Kuzoti ava manheru, vakabuda muguta.
Mako 11:12-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Fume maŋgwana ʋakati ʋacibva Betania, akaziya; ɀino wakati aciʋona muʋonde uri kure. unamashizha, akaenda’ko, aciti, ɀimŋe uŋgawana cinhu pauri; ɀino aciȿika pauri, haana‐kuwana cinhu, asi mashizha ɓedzi; nokuti yakaŋga isi ŋguʋa yamaʋonde. Akapindura, akati kwauri: Kusaʋa nomunhu, unozodya ɀiɓereko pauri nokusiŋgaperi. Ʋadzidzi ʋake ʋakaɀinzwa. Ʋakaȿika Jerusarema; akapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisa ʋaiteŋgesa, naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere. Akadzidzisa, aciti kwaʋari: Hakunakunyorwa here kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita ɓako ramakororo. Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatȿaka paʋaŋgamuʋuraya napo; nokuti ʋakaŋga ʋacimutya, nokuti ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake. Ɀino, ŋguʋa dzose kana aʋa maɗekwana, waienda kunze kweguta.
Mako 11:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)