Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 11:12-19

Mariko 11:12-19 SCLBD

Fume ramangwana, zvavakanga vachibva kuBhetania akanzwa nzara. Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ndokubva ati kwauri, “Pasazove nomunhu anodya muchero wako narini.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake. Kuzoti ava manheru, vakabuda muguta.

Verenga chikamu Mariko 11