Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 11:12-19

Mako 11:12-19 BDSC

Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Vadzidzi vake vakamunzwa achidaro. Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva, uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ” Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake. Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.