Mako 1:40-42
Mako 1:40-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.
Mako 1:40-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino munhu aiva namaperembudzi akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, ndokupfugama pamberi pake, akati kwaari, “Kana muchida henyu, munogona kundinatsa.” Akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Ndinoda, chinatswa.” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.
Mako 1:40-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” Zvino Jesu akamunzwira tsitsi ndokutambanudza ruoko rwake kwaari omubata, ndokuti kwaari, “Ndinoda, chipora uchenurwe.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera, akabva achenurwa.
Mako 1:40-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake, akati kwaari: Kana muciɗa, munogona kundinatsa. Akamunzwira ŋgoni, akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Ndinoɗa, cinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.
Mako 1:40-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)