Mako 1:38-39
Mako 1:38-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.” Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.
Mako 1:38-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kwavari, “Ngatiende kumwe, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidza ikokowo, nokuti ndizvo zvandakauyira.” Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo muGariria rose achibudisa mweya yakaipa.
Mako 1:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Handeyi kumwe, kuna maguta ari pedyo ndigondoparidzawo ikoko, nokuti izvi ndizvo zvandakavinga.” Nokudaro akafamba neGarirea yose achiparidza mumasinagogu avo, achidzingawo mweya yakaipa.
Mako 1:38-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwaʋari: Ŋgatiende kumŋe kumisha iri pedyo, kuti ndindoparidza ikoko ʋo, nokuti ndiɀo ɀandakaʋuyira. Akaenda, akaparidza mumasinagoge aʋo paGarirea rose aciɓuɗisa mŋeya yakaipa.
Mako 1:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)