Mako 1:21-28
Mako 1:21-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakapinda Kapenaume; pakarepo nomusi weSabata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori. Zvino musinagoge ravo makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa, akadanidzira, achiti, “Tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” Zvino Jesu akamuraira; akati, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa akamubvundisa, ndokudanidzira nezwi guru, ndokubuda kwaari. Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chinyiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anorayira kunyange nemweya yakaipa ikamuterera.” Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGariria.
Mako 1:21-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro. Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!” Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!” Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.” Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.
Mako 1:21-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea.
Mako 1:21-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakapinda Kapernaume; pakarepo nomusi wesaɓata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti wakaʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori. Ɀino musinagoge raʋo makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakaɗanidzira, aciti: Tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ɀino Jesu akamuraira, akati: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wetȿina ukamubvundisa, ndokuɗanidzira nenzwi guru, ndokuɓuɗa kwaari. Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera. Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGarirea.
Mako 1:21-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)