Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 1:15-34

Mako 1:15-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!” Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomununʼuna wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi, mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro. Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!” Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!” Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.” Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea. Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea. Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira. Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni. Guta rose rakaungana pamukova, uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 1

Mako 1:15-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

achiti, “Nguva yazadziswa, ushe hwaMwari hwaswedera pedyo; tendeukai, mutende Vhangeri.” Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona Simoni, naAndireya, munun'una waSimoni, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Jesu akati kwavari, “Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.” Vakasiya usvasvi hwavo pakarepo, vakamutevera. Akati apfuura zvishoma, akaona Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vachigadzira usvasvi muigwa. Akavadana pakarepo, vakasiya baba vavo Zebhedhi muigwa navaranda, vakamutevera. Vakapinda Kapenaume; pakarepo nomusi weSabata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori. Zvino musinagoge ravo makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa, akadanidzira, achiti, “Tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” Zvino Jesu akamuraira; akati, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa akamubvundisa, ndokudanidzira nezwi guru, ndokubuda kwaari. Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chinyiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anorayira kunyange nemweya yakaipa ikamuterera.” Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGariria. Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndireya, Jakobho naJohani vanavo. Vambuya vaSimoni vakanga vavete vachirwara nefivha; pakarepo vakamuudza izvozvo. Akaenda, akavabata noruoko, akavamutsa; fivha ikavarega, vakavashandira. Madekwana, zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa, navakanga vakabatwa nemweya yakaipa. Guta rose rakanga raungana pamusuo. Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 1

Mako 1:15-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

achiti, “Nguva iya yazokwana zvino, umambo hwaMwari hwava pedyo. Chipindukai mutendhe Shoko Rakanaka.” Jesu akati achipfuura napagungwa reGarirea akaona Simoni naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi mugungwa nokuti vaiva vabvuvi vehove. Jesu akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai kuti muve vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Kuzoti angoti fambe–fambei zvishoma, akaona Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa ravo vachigadzira usvasvi. Pakarepo Jesu akavadaidza; ivo vakasiya baba vavo Zebhedhi navashandi vari mugwa, vakatevera Jesu. Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea. Zvino ivo pakarepo vakabva vabva pasinagogu vakandopinda mumba mavanaSimoni naAndireya vaina Jemusi naJohani. Zvino vambhuya vaSimoni vakanga varere muviri wavo wakanga uchipinda chando. Vakabva vataurira Jesu nezvavo. Jesu akaenda akavabata ruoko ndokuvasimudza, denda ndokubva ravasiya, ivo ndokuvashandira. Zvino kuzoti ava manheru, zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vachirwara kana vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Guta rose rakaungana pamusuo. Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 1

Mako 1:15-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

aciti: Ŋguʋa yazad ziswa, ʋushe bgaMŋari bgasweɗera pedyo; tendeʋukai, mutende Evaŋgeri. Wakati acifamba paguŋgwa re Garirea, akaʋona Simoni, naAndrea, m unuŋuna waSimoni, ʋacikandira ʋutaʋ muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. Jesu akati kwaʋari: Nditeʋerei, kuti ndikuitei ʋaɓati ʋaʋanhu. Ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo pakarepo, ʋakamuteʋera. Wakati apfuʋura ɀishoma, akaʋona Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋacigadzira ʋutaʋa mugwa. Akaʋaɗana pakarepo, ʋakasiya ɓaɓa ʋaʋo Zebedi mugwa naʋaranda, ʋakamuteʋera. Ʋakapinda Kapernaume; pakarepo nomusi wesaɓata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti wakaʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori. Ɀino musinagoge raʋo makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakaɗanidzira, aciti: Tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ɀino Jesu akamuraira, akati: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wetȿina ukamubvundisa, ndokuɗanidzira nenzwi guru, ndokuɓuɗa kwaari. Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera. Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGarirea. Pakarepo ʋakati ʋacibva musinagoge, ʋakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobo naJohane ʋanaʋo. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋaʋete ʋacirwara nefiviri; pakarepo ʋakamuʋudza iɀoɀo. Akaenda, akaʋaɓata noruʋoko, akaʋamutsa; fiviri ikaʋarega, ʋakaʋashandira. Maɗekwana, zuʋa raʋira, ʋakaisa kwaari ʋose ʋakaŋga ʋacirwadziwa, naʋakaŋga ʋakaɓatwa nemŋeya yakaipa. Guta rose rakaŋga raʋuŋgana pamukoʋa. Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 1

Mako 1:15-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)